Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa kweNhengo dzeFOZEU Kunopinda muZuva reTatu Kuchinzi Kwakanganisa Vana Vari Kunyora Bvunzo


Munyori mukuru weFOZEU vari mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure
Munyori mukuru weFOZEU vari mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure

Kuramwa mabasa kuri kuitwa nevamwe varairidzi vari pasi pemasangano ari mumubatanidzwa weFederation of Zimbabwe Educators’ Union, FOZEU, kwapinda muzuva retatu mubatanidzwa uyu uchiti varairidzi vanosvika zvikamu makumi masere kubva muzana, kana kuti 80 percent havana kuenda kumabasa nyika yose.

Varairidzi ava, avo vakatanga kuramwa mabasa neChitatu svondo rino, vari kunyunyuta nemari inoita madhora makumi maviri ekuAmerica yavanoti yakawedzerwa nayo mihoro yevashandi vehurumende nehurumende mwedzi uno, vachiti haina kusiyana nemutero wembwa.

Mamwe masangano evarairidzi anoti ZIMTA neProgressive Teachers Union of Zimbabwe, haana kupindawo mukuramwa mabasa kwevarairidzi uku, PTUZ, ichiti ichiri kunzwa kubva kunhengo dzayo kuti yotora matanho api.

Asi rimwe sangano revashandi vehurumende, reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, iro riri kumirira vashandi munhaurirano dzemihoro nehurumende, dzeNational Joint Negotiating Council, NJNC, rinoti harisi kutsigira kuramwa mabasa uku sezvo nhaurirano dzichiri kuenderera mberi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi redzidzo yepasi kuti kuramwa mabasa uku kwakanganisa dzidzo zvakadii sezvo mutauriri webazi iri, VaTaqungana Ndoro, vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Asi munyori mukuru weFOZEU vari mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers' Union, ARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti svondo rinouya varairidzi vachadzokera kumabasa kugadzirira kuvharwa kwezvikoro, asi kuramwa mabasa uku kuchaenderera mberi pavhurwa zvakare zvikoro kotoro inouya.

Vachipindura mubvunzo wekuti kuramwa mabasa uku hakuna here kukanganisa vana vari kunyora bvunzo kotoro ino, VaMasaraure vanoti vatambira mashoko ekuti vana vakanganisika, asi vachiti vari kutsigirwa nevabereki pamwe nevana vechikoro mukurira mihoro inoraramisa mhuri dzavo.

FOZEU inoti varairidzi vari kuda mari muhoro unoita madhora ekuAmerica chiuru chimwechete nemazana maviri, kana kuti US$1200.00 pamwedzi, asi hurumende inoti yakaomerwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG