Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yabatana neDzimwe Nyika Nhasi Kucherechedza Zuva reKukurudzira Kuverengwa kweMabhuku


Chirikure Chirikure
Chirikure Chirikure

Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva rekukudzira vanhu kuverenga kana kuti World Book Day.

Zuva iri rinocherechedzwa musi wa 23 Kubvumbi gore rega rega.

Dingindira regore rino rakanangana nekurudzira vakuru nevadiki kuti vavhure pfungwa nekuverenga kana kuti “read your way”.

Sangano reUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organization kana kuti UNESCO ndiyo yakapa kurudziro yekuti zuva iri ritanga kucherechedzwa muna 1995.

Munyori wemabhuku, nyanduri uye muimbi Chirikure Chirikure anoti zvakakosha kuti zuva iri richerechedzwe asi pane zvizhinji zvinoda kugadziriswa kuti vanhu vakwanise kuramba vachinyora mabhuku munyika uye kuti vakawanda vaverengewo mabhuku.

Chirikure Chirikure
Chirikure Chirikure

"Zvinodiwa ndezvekuti vanyori, hurumende neveruzhinji vabatane mukugadzirisa zvinetswa zvinosangana nevanyori kuitira kuti parambe paine mikana yekuti kunyorwa kwemabhuku kurambe kuchienderera mberi uye kuchipa vanyori chouviri," VaChirikure vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG