Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotarisira Kukwira kweHupfumi Gore Rinouya


Finance Minister Mthuli Ncube gestures during a media briefing in Harare, Zimbabwe, Oct. 5, 2018.
Finance Minister Mthuli Ncube gestures during a media briefing in Harare, Zimbabwe, Oct. 5, 2018.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoti kunyange hazvo Zimbabwe iri kurwisana nedenda ranetsa pasi rese reCovid-19, vanotarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvinomwe nechidimbu kubva muzana gore rinouya.

Vachitaura pamusangano weparamende wekuzeya bhajeti regore rinouuya, VaNcube vati kukura kwehupfumi uku kuchatsigirwa nemabasa ekurima.

Asi vati kuti izvi zviitike, nyika inofanira kuwana mvura yakawanda izvo zvinove zviri kutarisirwa nevanoona nezvemamiriro ekunze.

Vatiwo zvirongwa zvakaita sePfumvudza nezvirongwa zvemadiridziro mumatunhu akawanda munyika ndizvo zvichasimudzira mabasa ekurima gore rinouuya.

Asi vanoongoorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vati havabvumirani nemaonera aVa Ncube vachiti kuti mabasa ekurima abudirire, vanhu vanhu vanofanira kuwana mbeu, maforetireza zvakachipa vachiti zvirongwa zvakaita sePfumvudza chete hazvibatsiri kana pasina zvekushandisa.

VaNcube vati mubhajeti ravo regore rinouya vachatsigira maindaastiri zvakanyaya asi vakasimbisisa kuti vachaisawo mari yakawanda kudzidzo nehutano.

Vati kunyange hazvo vasingazosvike pachiga cheAbuja Declaration icho chinosungira kuti dzihurumende dziishandise zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvemabhajeti adzo pahutano, vari kunanaira kusvika pachiga ichi.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vati zvinofadza kuti hurumende uri kuedza kusvika pachiga ichi asi vakatiwo hurumende inofanira kusimudzira hupfumi kuti ikwanise kuita bhajeti rine mari yakawanda.

Panyaya yekuti sei hurumende iri kutadza kubhadhara vashandi vayo mhiro inogutasa, VaNcube vati hurumende inobhadhara vashandi vayo mari yakawanda chose kana zvichienzaniswa nevamwe vashandirwi.

Vati mushandi wepasi muhurumende anotambira zviuru gumi nezvina zvemadhora asi kune mamwe maindasitiri vashandi vachitambira zviuru zvina pamwedzi.

VaNcube vatiwo vachaisa mari yakawanda munyaya dzekuwanisa vanhu mvura mumaguta nemadhorobha sezvo dambudziko remvura ratekeshera munyika.

Mahosfisi aAuditor-General akabudisa gwaro rinoratidza mvura yanetsa mumaguta nemadhorobha zvekuti vanhu vave kunwa mvura ine tsvina yesiweji.

Vachitaurawo pamusangano wanhasi, gavhuna webhanga guru munyika, Dr John Mangudya, vati bhanga richaona kuti mabhanga ashanda zvakanaka pamwe nekuita zvinhu zvinoita kuti mitengo yezvinhu igadzikane.

Vatiwo havazi kuzorega makambani embhozhanhare achiita madiro ajojina sezvaanga ave kuita nguva yapfuura izvo vanoti ndizvo zvange zvichiita kuti mitengo iite chamuramba mhuru.

Vachitaura pamusangano uyu, nyazvi munyaya dzehupfumu zvakare vachishanda nesangano reLabour, Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Prosper Chitambara, vati zvinofadza kuti hurumende iri kugadzirisa mabasa ekuita bhimisi munyika.

Vati zvakakosha kuti hurumende irwise nyaya dzehuwori pamwe nekuona kuti zviwanikwa zvashandiswa zvakajeka uye zvinobhatsira nyika, vachiti kana izvi zvikaitika, nyika hairasikirwi nemari yakawanda nenyaya dzehuwori sezviri kuitika pari zvino.

VaNcube vanotarisirwa kutura bhajeti regore rinouuya nemusi weChina svondo rinouya.

Bhajeti iri riri kuumbwa pachishandiswa hwaro hweNational Development Strategy 1, uhwo hune chinangwa chekuumba zana rezviuru zvemabasa pagore kwemakore mashanu anotevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG