Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vopinda Mumusangano Wavo weKupedzisira weG20 Kunyange Vachiri Kuramba Kuti Vakakundwa Musarudzo


VaDonald Trump

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nemusi weSvondo vakapinda mumusangano wavo wekupedzisira wenyika dziri mugungano reG-20.

Musangano uyu uri kuitwa padandemutande sezvo pari kutyirwa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaTrump havasi kuonekwa kakawanda pane veruzhinji kana kupindura mibvunzo kuvatorivenhau kubva zvavakundwa musarudzo dzemutungamiri wenyika idzo vari kuramba kutambira.

Mambo wenyika yeSaudi Arabia King Salman bin Abdulaziz al Saud ndivo vaparura musangano uyu vachikurudzira kuti nyika dzose dzikwaniswe kuwaniswa nyore nhomba yekurapa chirwere cheCovid-19.

Dzimwe nyika dziri mugungano reG-20 dzinosanganisira Argentina, Australia, Brazil, Britain, Canada, China, France, Germany, India, Indonesia, Italy, Japan, Mexico, Russia, Saudi Arabia, South Africa, South Korea, Turkey, United States nedzimwe nyika dziri mugungano reEuropean Union.

VaTrump vakapinda mumusangano weG-20 neMugovera asi pawaiitwa vaichema chemawo padandemutande ravo reTwitter nezvekwavanoti kubirirwa kwesarudzo dzemuAmerica.

Asi nemusi weMugovera mutongi wedare remu Pennsylvania VaMathew Brann vakarasa chikumbiro chemagweta aVaTrump ekuti mamwe mavhoti avaiti haana kufambiswa zvakanaka araswe. Mutongi uyu akati paine pasina humbowo hwekuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.

Pakangopihwa mutongo uyu, Senator Pat Toomey vebato raVaTrump remaRepublicans vakabva vakorokotedza vakakunda VaTrump musarudzo VaJoe Biden vebato remaDemocrats.

VaTrump vakanyorawo padandemutande ravo reTwitter kuti havasi kufara kuti VaBiden vave kutosarudza nhengo dzedare remakurukota ivo vachiri kumatare vachipikisa zvakabuda musarudzo.

VaTrump vari kuda kuti Michigan imbomira kutambira kukunda kwaVaBiden asi vamwe vemaDemocrats vatovaendesa kumatare vachiti vari kutyora mitemo yesarudzo.

VaTrump vakakumbira zvekare Georgia kuti iverenge zvakare mavhoti kechitatu mushure mekukundwa naVaBiden zvinova zviri kutanga svondo rino. Bato remaDemocrats rinoti VaTrump vari kuda kuyedza kubirira nekuda kukonzera kusagadzikana nekuramba kwavo kutambira zvakabuda musarudzo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi vanotungamira sangano reMedia Centre vanoti maitiro aVaTrump ave kushoresa America kunyangwe vachitenda havo kuti vane kodzero yekupikisa zvinenge zvabuda musarudzo kana vaine humbowo.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG