Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Hopewell Chin'ono, Anoburitswa Muhusungwa


Hopewell Chin’ono
Hopewell Chin’ono

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, apihwa mukana wekutongwa achibva kumba kwake nedare repamusoro panguva iyo sangano reAfrican Commission on Human and People’s Rights ranyorera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa richigunun’una nekusungwa kwaChin’ono.

Mutongi wedare repamusoro, VaTawanda Chitapi, vatura mutongo wekuti mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Marehwanazvo Gofa, vakakanganisa nekunyima kwavakaita Chin’ono mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti munhu anogara achipara mhosva.

Mumutongo wavo, VaChitapi vati Amai Gofa pamwe nevachuchisi venyaya iri kupomerwa Chin’ono yekuvhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare, vaifanira kuongorora kuti Chin’ono ane nyaya yaakabatwa nayo here kwete kuti vangoti munhu ihoromori pasina humbowo.

VaChitapi vati Chin’ono achatongwa achibva kumba ari pazviga zvakatarwa nedare pane imwe nyaya yaari kupomerwa yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati saka nokudaro haana imwe mari yaachabvisa semari yechibatiso.

Rimwe remagweta aChin’ono, VaGift Mtisi, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reMisa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati vafara nekusunungurwa kwaChin’ono asi vati aisafanira kusungwa kubva pekutanga.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, avo vanga varimowo mudare pamwe nenhengo dzebato ravo paturwa mutongo uyu, vati kusungwa kwakaitwa Chin’ono kunoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Hatina kukwanisa kutaura nevakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Asi VaChinamasa vakaudza vatori venhau pakatumwa nhume nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, kuti dzizoona mamiriro akaita zvinhu munyika kuti muZimbabwe hamuna dambudziko.

Zvichakadai, mukuru anoona nezve kutaura kwakasununguka musangano reAfrican Commission on Human and People’s Rights, kana kuti Special Rapporteur on Freedom of Expression and Access to Information in Africa, Amai Jamesina King vazivisa pamusangano wechimakumi matanhatu nechinomwe wesangano ravo kuti vakanyorera VaMnangagwa vachitsutsumwa nekusungwa kwaChin’ono.

Amai King vati vatori venhau vane basa rakakosha rekuzivisa veruzhinji zvinenge zvichiitika asi nguva zhinji vatori venhau vanotyisidzirwa, kusungwa zvisina tsarukano pamwe nekushungurudzwa uye dzimwe nguva zvinogona kupedzisira nerufu.

Chin’ono akatarisira kutanga kutongwa musi waZvita 7 pamhosva yekutanga yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati uye mhosva yechipiri haisati yatarwa zuva rekutongwa.

Paakambosungwa kekutanga, Chin’ono akagara mujeri kwemazuva makumi mana nemashanu achinyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Zvichitevera kusunungurwa kwaaitwa, Chin’ono anga ave nemazuva gumi nemanomwe ari muhusungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG