Accessibility links

Breaking News

Magetsi Ogara Akadzimwa Nguva Zhinji kuMasvingo


Budget Masvingo

Vagari vakawanda vemuguta reMasvingo vanoti havasi kufara nekudzimwa dzimwa kuri kugara kwakaitwa magetsi izvo zviri kuvhiringawo kuwanikwa kwemvura.

Vagari vemumisha yeveruzhinji muMasvingo vanoti vave nemazuva anopfuura mashanu magetsi achidzimwa izvo vanoti zviri kuvhiringa mararamiro avo.

Mumwe mugari wekuMucheke, Amai Patience Masuka, vanoti kuenda kwemagetsi zuva nezuva kuri kuvarwadza sezvo varisiri kuudzwa chikonzero chaari kudzimirwa.

VaTipen Mago, avo vanogara kuRunyararo West, vanoti kuenda kwemagetsi kwave kuvadhurira nekuti vave kumanikidzwa kutenga dzimwe mhando dzemoto dzakaita segasi kana huni.

Mukuru wemabasa musangano revagari, reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, VaAnoziva Muguti,vanoti kambani yeZesa inofanira kuzivisa vagari zvikonzero zvairi kudzimira magetsi.

Pamusoro pekushaya magetsi, vagari vazhinji vanoti vari kushushikana nekukwidzwa kwemutengo wemagetsi uyo wakakwidzwa neZesa nemusi weChina.

Aka kava kechipiri magetsi achikwidzwa mwedzi uno.

Mayunitsi makumi mashanu aiita dhora nemasendi makumi matanhatu ekuAmerica, ave kuita dhora nemasendi makumi manomwe.

Mayunitsi zana ave kuita madhora matanhatu kubvapamadhora mashanu nemasendi makumi manomwe ekuAmerica.

Mukuru webasa muhofisi yesangano rinomirira vatengi reConsumer Council of Zimbabwe muMasvingo, VaDumisani Mungusthini, vanoti kukwira kwemitengo yemagetsi kunogona kukwidza mitengo yezvimwe zvinhu muzvitoro.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weZESA, VaFullard Gwasira, sezvo vanga vasingadairi nhare yavo kana kupindura tsamba mbozha dzatavatumira.

Mune imwewo nyaya, chikoro cheDandavare Primary kwaGutu, chakapindwa nenjodzi mushure mekunge vana vatatu vanwa mvura pachikoro ichi negaba rinofungidzirwa kuti raiva nemuchetura, mumwe wavo akashaya.

Mwana akashaya nemusi weChitatu uyu, avigwa nhasi muraini rekwaMutero mudunhu raIshe Chin’ombe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG