Mutongi wedare, Amai Marehwanazvo Gofa, vati vachapa mutongo wavo neChina pachikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, chekuti apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kumba kwake.
Vachangosarudzwa semutungamiri weAmerica, Va Joe Biden, vanoti vari kuenderera mberi nehurongwa hwavo hwekutambidzana masimba kunyange hazvo mutungamiri weAmerica, Va Donald Trump, pamwe nevakuru vakuru muhurumende yavo, vasiri kutambira kukunda kwebato reDemocratic Party.
Masangano makuru anomirira varairidzi anoti reZimbabwe Teaches Association, Progressive Teachers Union of Zimbabwe, neAlmalgamated Rural Teachers Union, abatana mukuramba kutambira mari yakawedzera varairidzi nehurumende neChipiri.
Chikwata chezvipangamazano zvaVaBiden chakazivisa nemusi weChipiri mazita evanhu vazhinji vachashanda mukugadzirira hutongi hwemutungamiri mutsva achagadzwa musi wa 20 Ndira gore rinouya.
Munyori mukuru weZCC, Mufundisi Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti kunetseka kuri kuita varairidzi chave chinhu chinofanirwa kutarisiswa nekukurumidza sezvo vana vechikoro vari kushaya dzidzo yakakwana uye varivo vari kurasikirwa nezvekawanda.
Kanzuru yeMasvingo yapeta neChipiri misangano yekunzwa pfungwa dzevagari pamusoro pebhajeti regore rinouya iro iri kuda kukwikwidza kusvika pamadhora anodarika mamiriyoni mazana manomwe nemakumi maviri nematatu emadhora, kana kuti 723 million RTGs.
Dare ramejasitiriti rarasa chikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, chekuti nyaya yaari kupomerwa yekuvhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare iraswe richiti pane humbowo hunoratidza kuti Chin’ono ane mhosva yaakapara.
America inoti Zimbabwe neEritrea dzinogona kubviswa pahurongwa hwayo hwekusimudzira hupfumi hwenyika dzichiri kubudirira nenyaya yekutyora kodzero dzevashandi.
Bazi reGeneral Services Adminstration, GSA, iro rinoona nezvekutambidzwana kwemasimba kuburikidza nekupa achangokunda musarudzo zvikanisiro, rinonzi harisati rapa chikwata chaVaBiden svumbunuro dzekuti chitange kushanda zviri pamutemo sezvinodiwa nemutemo wePresidential Transition Act of 1963.
Kushaikwa kwemvura munzvimbo dzakawanda munyika kuri kuisa vasope panguva yakaoma sezvo vachipedza nguva yakareba vachipiswa nezuva vakamira mumitsetse pazvibhorani zvemvura.
Mutambi Lazarus Boora aizivikanwa zvikuru nekunzi Gringo achiita zvemitambo akashaya kuchipatara cheWestview muHarare nezuro mangwanani mushure mekurwara nechirwere chegomarara.
Livetalk, November 9, 2020
Rodhai zvimwe