Accessibility links

Breaking News

Gringo Oradzikwa neMusi weChina Mushure Mekushaya neChirwere cheGomarara


Gringo nemwanakomana wake Taurai
Gringo nemwanakomana wake Taurai

Aiita zvemitambo Lazarus Boora aizivikanwa zvikuru nekuti Gringo akashaya kuchipatara cheWestview kuZimre Park, kuRuwa nezuro mangwanani mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Ari kutarisirwa kuradzikwa nemusi weChina kwaRusape kwekare. Ange ave nemakore makumi mana nemasere.

Gringo ainge ave nenguva yakareba achirwara uye akambonogara kumusha kwake kwaRukweza, Kunyazura. Gringo akaita mitambo panhepfenyuro yeterevhizheni inosanganisira Chihwerure yakanyorwa naAaron Chiunduramoyo mimwe mitambo yaakaita inosanganisira, Gringo Ndiani’, ‘Gringo Mari Iripi’ uye ‘Gringo Troublemaker’. Mitambo mizhinji iyi yainyorwa naEnock Chihombori.

Muna 2002 Gringo akahwina mubayiro wekuva mutambi akakunda vamwe vose pamakwikwi eNational Arts Merit. Mutambo Gringo Ndiyani wakawanawo mubayiro uye Chihombori akapihwawo mubayiro nekunyora mutambo uyu.

Gringo akange arimo mufirimu rinonzi Yellow Card. Mumashoko kuvatori venhau, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvagwa vati nyika yarasikiwa negamba munyaya dzemitambo. Gringo asiya vana nanomwe nemudzimai, Netsai.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG