Accessibility links

Breaking News

America Yoronga Kuranga Zimbabwe Munyaya dzeKutengeserana neNyaya yeKutyora Kodzero dzeVashandi


VaDonald Trump
VaDonald Trump

America inoti Zimbabwe neEritrea dzinogona kubviswa pahurongwa hwayo hwekusimudzira hupfumi hwenyika dzichiri kubudirira nenyaya yekutyora kodzero dzevashandi.

Nyika mbiri idzi dzatotanga kuferefetwa pasi pechirongwa chekudyidzana cheU.S. Generalized System of Preferences program kana kuti GSP.

America ine zvibvumirano zvitatu panyaya yekusimudzira hupfumi munyika dzichiri kubudirira.

Chibvumirano chekutanga chinonzi U.S. Generalized System of Preferences (GSP) . Chechipiri chinonzi African Growth and Opportunity Act (AGOA) chekupedzisira chinonzi the Caribbean Basin Initiative.

Muzvinafundo Gift Mugano vanodzidzisa paDurban University of Technology vanoti danho iri richaomesera Zimbabwe nekuti zvinhu zvayo zvinenge zvave kudhura nekuda kwemitero zvinopa kuti zvitadze kukwikwidza nezvekune dzimwe nyika.

Asi munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti munyika maberekera ingwe kuvashandi vachiti hurumende yave netsika yekumbunyikdza vashandi ichavasunga uye kutumira mapurisa kuti avarove kana vachiratidzira zviri pamutemo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotiwo nyaya yekushandisa vana vadiki mumabasa iri kupa kuti Zimbabwe ipinde mumatambudziko nekuti haitenderwi kuita izvi nechibvumirano ichi uye mimwe mitemo yeUnited Nations.

Zimbabwe, Burundi, Democratic Republic of Congo, Mauritania, Somalia neSouth Sudan hadzisi muchibvumirani cheAGOA.

Asi Zimbabwe iri muchibvumirano cheGSP kubva muna 1980 payakawana kuzvitonga zvichireva kuti inobvumidzwa kutengesa zvimwe zvigadzirwa kuAmerica pasina kubhadhara mutero.

VaChitambara vanoti kunyange hazvo vamwe vakuru muhurumende vakatemerwa zvirango neAmerica, zvirango zvange zvisiri kukanganisa kutengeserana kwenyika mbiri idzi pasi pechibvumirano ichi.

Muna 2018 pasi pechirongwa ichi, zvinhu zvinosvika mabhiriyoni makumi maviri nematatu nemazana masere emamiriyoni emadhora, kana kuti US$23,8 billion zvakapinda muAmerica pasina kubhadhariswa mutero kubva kunyika dzakawanda kusanganisira Zimbabwe.

Bazi rinoona nezvekutengeserana kana kuti The Office of the United States Trade Representative rakazivisa kuti Zimbabwe ne Eritrea dzatanga kuongororwa kuti dzinokodzera here kuva muchirongwa cheGSP uye dzimwe dzinoti Georgia ne Uzbekistan dzainge dzambotemerwa zvirango nenyaya imwe chete yekutyora chibvumirano chekutengeserana dzainge dzachenurwa sezvo dzainge dzasimudzira mabasa evashandi.

Ko panyaya yekutyora kodzero dzevashandi?

VaMugano vanoti America yave kungoomeserawo Zimbabwe nekuti igaroziva kuti nyika yagara ichitatarika munyaya dzezvehupfumi zvisinei nekutyora kodzero dzevashandi.

Asi VaMoyo vanoti Zimbabwe iri kuzvisikira moto muziso nemaitiro ayo ekutyora bumbiro remitemo isingachengetedzi kodzero dzemushandi.

Gore rapera, mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakabvisa Turkey panyika dziri muGSP vachiti hupfumi hwayo hwasimukira.

Dare reCongress muAmerica riri kuzeyawo nyaya yekuti India ne Brazil dzingarambe dzichinzi here inyika dziri kubudirira sezvo hupfumi hwadzo hwasimukira zvakanyanya.

Zvimwe zvinotariswa muchibvumirano ichi inyaya yekuchengetedza humhizha muzvigadzirwa kana kuti intellectual property rights uye America inotarisirawo kuti nyika idzi dziipewo mukana wekutengesa zvinhu zvayo kwadziri pasina matambudziko.

Panyaya dzekutengeserana kweZimbabwe neAmerica, Zimbabwe muna 2001 yakatengesera America zvinhu zvinosvika mamiriyoni makumi mapfumbamwe nerimwe emadhora kana kuti US91 million asi iyo Zimbabwe ikatenga zvemari inosvika mamiriyoni makumi matatu nerimwe emadhora, kana kuti US$31 million.

Gore rapera Zimbabwe yakatengesa zvinhu zvemari inosvika mamiriyoni makumi mana nemanomwe emadhora, kana kuti US$47 kuAmerica iyo ikatenga zvemari inosvika mamiriyoni makumi mana emadhora kana kuti US$40 million.

Zvinhu zvakatengeswa kuZimbabwe neAmerica zvinosanganisira simbi, fodya, shuga, masamba, maruva nezvimwe.

Kubva kuAmerica, Zimbabwe yakatenga michina yekurimisa, motokari, ndege, fotereza, mbeu nemafua ekubikisa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG