Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Chin'ono Anofanirwa Kumiswa Mudare Achitongwa


Zimbabwe Journalist Chin,ono
Zimbabwe Journalist Chin,ono

Dare ramejasitiriti rarasa chikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, chekuti nyaya yaari kupomerwa yekuvhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare iraswe richiti pane humbowo hunoratidza kuti Chin’ono ane mhosva yaakapara.

Mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Marehwanazvo Gofa, vatura mutongo wekuti pane fungidziro yekuti Chin’ono akapara mhosva yaari kupomerwa, nokudaro anofanira kuti atongwe nenyaya iyi.

Amai Gofa vati nekuti Chin’ono haana kuramba zvaanonzi akanyora padandemutande rake reTwitter achiziva kuti mutungamiri weZimbabwe Miners’ Federation avo vakambomiswa basa, Muzvare Henrietta Rushwaya, vachazenge vachimiswa pamberi pematare zvichitevera kusungwa kwavakaitwa vachipomerwa mhosva yekuedza kuburitsa goridhe munyika zviri kunze kwemutemo, zviri pachena kuti Chin’ono ane chekuita nemhosva yaari kupomerwa.

Amai Gofa vati zvekuti Chin’ono ane mhosva kana kuti haana inyaya dzichataurwa pakutongwa kwenyaya iyi.

Rimwe remagweta aChin’ono, VaGift Mtisi, vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

Mushure mekuraswa kwechikumbiro ichi, muchuchisi wenyaya iyi, VaLancelot Mutsokoti, vabva vazivisa dare kuti vari kupikisisa chikumbiro chekuti Chin’ono apihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso vakabva vashevedza mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaNaison Chirape, kuti vape zvikonzero zvekupikisa chikumbiro ichi.

VaChirape vati Chin’ono ane imwe nyaya isati yapera mumatare, nokudaro akabuditswa mujeri anogona kuramba achipara mhosva pamwe nekuvhiringidzana nevafakazi panyaya iyi.

Rimwe remagweta aChin’ono, Amai Beatrice Mtetwa, vabvunza kuti hachisi chokwadi here chakataurwa naChin’ono kuti hurumende haina kupikisa kuti Muzvare Rushwaya vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso pavakatanga kuunzwa kudare?

VaChirape vatenda kuti ichi ichokwadi chezvakaitika. Asi vazoramba kuti Chin’ono ari kunyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kunyange akataura chokwadi chezvakazoitika vachiti zvakaitwa naChin’ono zvinovhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare.

VaMutsokoti vabva vakumbira kuti nyaya iyi igodzoka mudare mangwana vachiti havana chekufambisa zvaita kuti Amai Mtetwa vapikise vachiti dai dzisiri nyaya dzehuori vachuchisi vangadai vaine motokari zvaita kuti pave nekupopotedzana pakati paAmai Mtetwa nevachuchisi.

Amai Gofa vati nyaya iyi igodzoka mudare mangwana vakashevedza vachuchisi nemagweta aChin’ono kuhofisi kwavo kuti vagadzirisa nyaya yekupopotedzana kwanga koita magweta mudare.

Pane imwe nyaya yanga iri mudare, mutongi ari kunzwa nyaya yakatanga kusungirwa Chin’ono yekukudziraveruzhinji munyika kuti varatidzire, VaNgoni Nduna, varamba kuzvibvisa panyaya iyi zvichitevera chikumbiro chaChin’ono uyo aiti VaNduna vane divi ravakarerekera panyaya iyi.

VaNduna vati Chi’ono ane nyaya yakafanana neiyoyi yaakakwidza kudare repamusoro saka vati vachaenderera mberi vachinzwa nyaya iyi.

VaMtisi vatenda zvakare kuti izvi ndizvo zvabuda mudare.

VaNduna vati kutongwa kwenyaya yaChin’ono kuchatanga musi wa 7 Zvita kusvikira musi wa9 Zvita.

Chin’ono ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG