Accessibility links

Breaking News

Masangano eVarairidzi Oramba Kutambira Mari Yakawedzerwa neHurumende


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa

Masangano makuru anomirira varairidzi anoti reZimbabwe Teaches Association ZIMTA, Progressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ neAlmalgamated Rural Teachers Union, ARTUZ, abatana mukuramba kutambira mari yakawedzera varairidzi nehurumende neChipiri.

Masangani aya anoti anoda kuenzaniswawo dzimwe mari nemapurisa, mauto nemajerighadhi ayo akapihwa mari yakawanda mushure mekunge mamwe makurukota ehurumende ati vakasapihwa mari vanogona kupandukira hurumende.

Muna Chikunguru hurumende yakapa mapurisa nemauto mari iri pakati pezviuru zvishanu nezvisere ichinzi ndeyeCovid Allowance asi ikapa vamwe vashandi yavo vose mari inosvika churu chimwe chete nemazana maviri emadhora chete.

Asi vachitaura nebepanhau reHerald mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vakati masangano anomirira vashandi anenge otaura nezvematongerwo enyika akada kuenzanisa mari dzavo nedzemauto nemapurisa vachiti vanofanira kuramba vachitaurirana nehurumende chete kusvika vapihwa mari yavari kuda kwede kuda kukonzera kusagadzikana.

NeChipiri gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati hurumende yainge yawedzera mari yevarairidzi zvekare kusvika pazvikamu makumi mana kubva muzana.

Asi mutungamiri weZimta, VaRichard Gundani, uye mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti havasi kuzodududza pamari yavari kuda inosvika madhora mazana mashanu emadhora ekuAmerica pamwedzi.

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti havasi kuzodzokera kumabasa kusvika vapihwa mari yavari kuda iyi.

Hurukuro naVaTakavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG