Gweta reshasha yenhabvu yakashaya neChitatu Diego Maradona, VaMatias Morla mumashoko kuvatori venhau neChina vakati panofanira kuongororwa mafiro ake nekuti zvakatora maminetsi makumi matatu kuti ambulance iuye kuzomubatsira mushure mekurwara nemoyo.
AnchorVanhu vakawanda mdhorobha reMasvingo vakaparadzirwa dzimba uye midziyo yavo neChitatu manheru nemafashamu emvura akabatana nemhepo yaivhuvhuta zvine simba.
Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden nezuro vakatura mashoko kuvanhu vachiti nyika yavo ichakunda muhondo yekurwisa chirwere checoronavirus.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, neChina vakaparura bhejeti renyika regore rinouuya remabhiriyoni mazana mana nemakumi maviri nerimwe zvemadhora emuZimbabwe kana kuti ZW$421 billion
Bato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance, rinoti kusungwa kwakaitwa meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, kune chekuita nezvematongerwo enyika, uye kuti hurumende yeZanu PF ishandise mukana uyu kupinza komisheni inotungamirira guta iri.
Bazi reUnited Nations rinoona nezvekubatsira vanhu nezvekudya reWorld Food Program-WFP- rinoti richawedzera huwandu hwevanhu variri kupa ruyamuro rwezvekudya muvagari vemumaguta kubva pazviuru mazana matatu nemakumi maviri kusvika pachidimbu chemiriyoni kana kuti 500 000 kutanga kwegore rinouya.
Vamwe vanhu vanoti vachave mutungamiri wenyika yeAmerica vaJoe Biden vachave nebasa guru rekugadzirisa zvakawanda zvakavhiringidzwa naVaDonald Trump vachitiwo Zimbabwe ine zvekudzidza zvakawanda kune zviri kuitika munyika yeAmerica.
Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa nemusi weChitatu vakashora zvikuru kwavanoti kudeurwa kweropa kusina kukodzera mushure mekutanga zvekare kwekurwiswa kwevanhu vekune dzimwe nyika vanotyaira marori nezvizvarwa zvenyika yavo.
Zimbabwe sedzimwe nyika irikucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekukurudzira kuchengetwa kwekodzero dzevanhu kubva kumhirizhonga yemudzimba akatarwa neUnited Nations kutanga neChitatu chino.
Huwandu hwevana vabatwa nechirwere cheCovid-19 pachikoro cheChinhoyi High hwakwira kusvika pavana makumi mashanu nevasere. Mukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vanoti kusvika parizvino vana vabatwa nechirwere ichi vave makumi mashanu navanomwe.
Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira pasi rose akatungamira Argentina mukusimudza mukombe weWorld Cup muna 1986, Diego Maradona ashaya nechirwere chemoyo mavhiki maviri achangobuda muchipatara cheOlivos Clinic munyika iyi paine mashoko ekuti ainge aine ropa rainge ragwamba muhuropi hwake.
Rodhai zvimwe