Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochema Shasha yeNhabvu Diego Maradona


Maradona
Maradona

Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira pasi rose akatungamira Argentina mukusimudza mukombe weWorld Cup muna 1986, Diego Maradona ashaya nechirwere chemoyo mavhiki maviri achangobuda muchipatara cheOlivos Clinic munyika iyi paine mashoko ekuti ainge aine ropa rainge ragwamba muhuropi hwake.

Maradona
Maradona

Vatambi, varairidzi nevatsigiri venhabvu vari kutumira mashoko kudzinhepfenyuro uye madandemutande akasiyana siyana. Nhepfenyuro dzose pasi rose dziri kutaurawo nezverufu urwu.

Maradona ange ave nemakore makumi matanhatu ekuberekwa. Diego akatambira zvikwata zvakawanda zvinosanganisira Boca Juniors, Napoli ne Barcelona.

Muna 1986, Maradona akanwisa bhora neruko pamutambo neEngland ichibva yabuda mumakwikwi aya.

Diego Maradona
Diego Maradona

Paakabvunzwa nevatori venhau akati rwainge rwuri ruoko rwaMwari kana kuti “Hand of God.” Diego ainetsekanawo zvakanyanya nenyaya yekuputa nekunwa zvinodhaka zvakaita secocain nedoro.

Maradona
Maradona

Maradona akamborairidzawo nyika yake yeArgentina uye ange ave murairidzi wechikwata cheGimnasia y Esgrima munyika yake.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG