Accessibility links

Breaking News

Gweta raDiego Maradona Rinoti Harisi Kufara neMafiro Aakaita


Mukombe weWorld Cup uri pedyo nebhokisi rine mutumbi waDiego Maradona kumuzinda wemutungamiri wenyika ku Buenos Aires, Argentina
Mukombe weWorld Cup uri pedyo nebhokisi rine mutumbi waDiego Maradona kumuzinda wemutungamiri wenyika ku Buenos Aires, Argentina

Gweta reshasha yenhabvu yakashaya neChitatu Diego Maradona, VaMatias Morla mumashoko kuvatori venhau neChina vakati panofanira kuongororwa mafiro ake nekuti zvakatora maminetsi makumi matatu kuti ambulance iuye kuzomubatsira mushure mekurwara nemoyo.

Vanhu vochema Diego Maradona
Vanhu vochema Diego Maradona

Gweta iri rinoti Maradona aifanira kuve aine vachengeti panguva dzose sezvo ainge achangobva kuvhiyiwa muhuropi munonzi mainge muine ropa rainge ragwamba asi anonzi ainge asina aimutarisa kwemaawa gumi nemaviri.

Argentina nemusi weChina yakatara mazuva matatu ekuchema Maradona uye ari kuchemerwa kumuzinda wemutungamiri wenyika uko kune zviuru nezviuru zvevanhu zviri kuonekana nemutumbi wake.

Maradona akatungamira Argentina mukusimudza mukombe weWorld Cup muna 1986 uye vamwe vanoti panyaya dzenhabvu hapana aisvika paari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG