Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa Voshora Kurwiswa Kwoitwazve Vatyairi veMarori Vekune Dzimwe Nyika muSout Africa


Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa nemusi weChitatu vakashora zvikuru kwavanoti kudeurwa kweropa kusina kukodzera mushure mekutanga zvekare kwekurwiswa kwevanhu vekune dzimwe nyika vanotyaira marori nezvizvarwa zvenyika yavo.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri waVaRamaphosa, VaTryrone Seale vati mutungamiri wenyika atumira mashoko enyaradzo kune vakarasikirwa nehama nenyaya yekurwiswa nevanhu vari kuisa mutemo mumaoko mavo.

VaRamaphosa vatiwo vanoshuvira kuti vanhu vakakuvara vakurumidze kupora. Vatiwo vatambira nemufaro kusungwa kwevamwe vanhu mudunhu reGauteng vakati vane chivimbo chekuti vose vari kuita mhirizhonga vachasungwa. Vatiwo makurukota anoona nezvevashandi, kutakurwa kwezvinhu uye kudzivirirwa kwenyika vaite ongororo kuti zvirikufamba sei vozoitura kwavari.

Sangano reAll Truck Drivers Foundation Sangano re ATDF, razivisa kuti kune mutyairi aimbove nhengo ye yaro akapfurwa akafa mumhirizhonga iyi nemusi weChipiri.

Nemusi weMuvhuro, mukuru weRoad Freight Association kana kuti RAF VaGavin Kelly vakanyora tsamba kuna VaRamaphosa vachivakumbira kuti vapindire mushure mekunge dzimwe nhengo dzeAll Truck Drivers Foundation kana kuti ATDF nedzeNational Truck Drivers Federation kana kuti NTTDF dzaratidzira muDurban dzichiti hadzisi kufara nekupihwa basa kwevatyairi vanobva kune dzimwe nyika.

NeChitatu magwanani kune marori maviri akapiswa, rimwewo rikapfuurwa mudunhu reGauteng, izvo zvakonzerawo kuti sangano rinomiririra vatyairi vemarori vekuZimbabwe, reZimbabwe All truck Drivers Association, rikumbire kuti paitwe hurukuro nechimbichimbi.

Mutauriri wesangano iri, VaMunyaradzi Gora avo vanewo marori vanoti kune marori akawanda ari kupiswa, naizvozvo vapa chikumbiro chekuti hurumende yeZimbabwe inofanira kupindira. Marori mashanu akapiswa mumugwagwa weR59 pakati peParys neSasolburg husiku nemusi weMugovera. Svondo rapera mamwe magonyeti mapfumbamwe akapiswa kuHeldelberg. Magonyeti aya ari kukandirwa mabhambo epeturu.

As mumiriri weZimbabwe muSouth Africa VaDavid Hamadziripi vati havasati vanzwa shoko kubva kuvatyairi vemarori nezve nyaya iyi kunze kwekuverenga pamadandemutande pamwe nemumabepanhu.

Asi VaHamadziripi vavimbisa kuti kana vachinge vave nehumbowo vachaita hurukuro nebazi remuSouth Africa rinoona nezve kudyidzanai nedzimwe nyika.

Mutauriri wesangano re Zimbabwe Cross Border Traders Association, VaDennis Juru vanoti kushungurudzwa kwevatyairi ava kuri kuwanza kuitwa mumatunhu eGauteng, KZN ne Cape Town uye kuri kupararira kuCape Town zvekare.

VaJuru vakurudzira vose vanotyaira marori muSouth Africa, kuti vangwarire.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinotyaira marori mudunhu reNorth West VaGodfrey Gwarimbo vanoti havo kwavari kushanda kuchine runyararo

Sangano reRoad Freight Association, rinoti zviri kuitwa nenhengo dzeATDF, zvinokonzera kurasikirwa nehupenyu, mabasa, midziyo nekusagadzikana munyaya dzezvehupfumi hwenyika.

Nemusi weMuvhuro, dzimwe nhengo dzesangano re ATDF, dzakabatana nenhengo dzesangano reavo vaimbove varwi verusununguko muSouth Africa, reUmkondo weSizwe, vakafora mudhoroba re Durban vachikurudzira kuti vose vanobva kunze kweSouth Africa, vanofanira kudzingwa munyika.

Panguva yekufora iyi, mubati we homwe musangano reATDF mudunhu reDurban, VaDumisani Ngcobo, vakaendesa gwaro rine zvinyunyuto zvavo kusangano reTransnet Port Authority, riri panzvimbo inomira ngarava mudhorobha iri, chekuyambira sangano iri kuti hapana vatyairi vanofanira kupinda munzvimbo iyi, kana vasiri zvizvarwa zveSouth Africa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG