Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakavhara miganhu yenyika yavo kutanga nezuro, Muvhuro, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Mutungamiriri wesangano reInternational Cross Border Traders Association, VaDennis Juru, vati nhengo dzesangano ravo dzinotambira mashoko aVaRamaphosa nemufaro sezvo kuvhurwa kwemiganhu yenyika iyi kuchayamura mhuri yeZimbabwe yakawanda
Sangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica rinoti harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa zvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa kana zvichinge zvarwara zviri munyika iyi.
Izvi zvinotevera mashoko aziviswa nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, mushure memusangano mukuru webato ravo wakaitwa neMuvhuro, uyo wakabuda nechisungo chekuti bato ravo ribatsire muhurukuro dzekutsvaga runyararo muZimbabwe.
Sangano reZimbabwe United for Progress, iro rakaumbwa mwedzi wapera, rinoti rakaumbwa mushure mekunge hurumende yeSouth Africa yaumba homwe yemari inobatsira zvizvarwa zveSouth Africa chete zviri kuvhiringwa neCovid-19.
Zvizvarwa zvemuSouth Africa zvapinda mumigwagwa zvichivhara migwagwa iyi nematombo kuitira kuti isapinde motokari; zvanga zvichipisa matayi emotokari pamwe nekupwanya zvitoro zvichiti hazvidi kuona zvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa zvisina magwaro zviri munzvimbo iyi.
Vana vakawanda vezvizvarwa zveZimbabwe vari kudzidza muSouth Africa vatadza kuenda kuchikoro pazvavhurwa muSouth Africa sezvo vana ava vasina magwaro edzidzo, kana kuti study permits.
Vanhu vakawanda vanoti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kutadza kuita zvayakavimbisa mushure mekunge vaimbove mutungamiriri wenyika, mushakabvu Robert Mugabe, vabviswa pachigaro nemauto.
Rodhai zvimwe