Accessibility links

Breaking News

Mwanakomana waVaZuma Okurudzira Vanhu Kuti Vasaite Mhirizhonga Inoputsa Hupfumi hweNyika


South Africa protests

Mwanakomana wevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, VaDudzani Zuma, vakurudzira veruzhinji kuti vasaita mhirizhonga inokonzera kuuraya hupfumi hwenyika sezviri kuitika pari zvino.

Kurudziro yaVaDudzani Zuma yaitwa panguva iyo vanhu vachiri kuenderera mberi nekuba zvinhu muzvitoro, kupisa mabhizimisi, kuvhara migwagwa, pamwe nekushungurudza vabvakure.

Mapurisa anoti vanhu vanodarika makumi manomwe nevaviri vafa mumhirizhonga iri kuitika muSouth Africa panguva iyo vanhu vari kuratidzira vachiti havasi kufara nekukandwa mujeri kwakaitwa VaJacob Zuma.

Mapurisa anoti vanhu vanodarika chiuru nemazana maviri vasungwa mumhirizhonga iri kuitika muSouth Africa.

Mapurisa emuSouth Afrca haasati azivisa kuti pavanhu vakasungwa ava, kana kufa, pane vanhu vangani vanobva kunze kweSouth Africa kusanganisira Zimbabwe.

Bazi reNational Prosecuting Authority remuSouth Africa raudzwa nehurumende kuti risape vasungwa ava mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva dzavari kupomerwa.

Mhirizhonga iyi inonzi yakonzeresawo kudonha kwemari yemuSouth Africa.

Pari zvino muSouth Africa mave kutoshaikwa zvinhu zvinokosha, zvaita sechingwa, mafuta kana shuga sezvo zvitoro zvakwanda zvakavharwa.

Chizvarwa cheZimbabwe, VaLucky Sanzira, avo vanobva kwaRusape, vanoti vanhu vakawanda vave kutambura nepamusana pemhirizhonga iyo yakonzeresa kuvharwa kwezvitoro nemabhanga.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe charamba kudomwa nezita, chinoti mhuri dzakawanda dzave nemazuva dzisingadye chingwanekuda kwekuti hapana kweku chiwana.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni matatu zvinogara muSouth Africa, zvizhinji zvacho zvakapinda munyika iyi mushure mekubuda munyika zvichinotsvaga mafuro manyoro, vamwe vachinopotera munyika iyi nepamusana pezvematongerwo enyika

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG