Accessibility links

Breaking News

Sangano rePut South Africa First Rinoratidzira Richiti vekunze Vaburitswe MuSouth Africa


Vamwe vanoti zviri kuitwa nesangano iri zvichaita kuti vabvakure varwiswe muSouth Africa.
Vamwe vanoti zviri kuitwa nesangano iri zvichaita kuti vabvakure varwiswe muSouth Africa.

Sangano remu South Africa rinozviti Put South Africa First nhasi raratidzira pamuzinda webazi rinoona nezvemukati menyika iyi, uri muguta rePetoria, apo raendesa zvinyunyuto zvaro zvinosanganisira kurudziro yekuti bazi iri rinofanira kutorera zvizarwa zvekune dzimwe nyika zviri kugara sevapoteri, magwaro anozvibvumidza kugara munyika iyi.

Nhengo dzesangano iri, dziri kupomera mhuri dzeZimbabwe, Lesotho neMozambique, mhosva yekutorero zvizvarwa zveSouth Africa mabasa, kupara dzimhosva pamwe nekusvipisa madhorobha emuSouth Africa, uyewo riri kukurudzira kuti vasiri zvizvarwa zveSouth Africa vanofanira kudzokera kunyika dzavo.

Zvimwe zvinyunyuto zvesangano iri zvinosanganisira kurudziro yekuti vose varimuhupoteri neavo vachiri kutsvaga hupoteri munyika eSouth Africa vaiswe mumakamba.

Mutauriri wesangno iri VaMario Khumalo vudza Studio 7 kuti vamwe vanhu vekunze vanoba, kuuraya vanhu pamwe nekukanganisawo hupfumi hwenyika.

Chiitiko ichi, chasiya vagari vemuSouth Africa, vanobva kunyika idzi vasina mate mumukanwa, kusanganisira chimwe chizvarwa cheZimbabwe, charamba kudomwa nezita, icho chaudza Studio 7 kuti chave nemakore gumi nemashanu chichigara muSouth Africa.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vaudza Studio 7 kuti muitiro wesangano iri ndewe kuda kudyara ruvengo.

VaShumba vaenderera mberi nekushora hurumende yeSouth Africa nekushaya hanya kwayo nechiitiko chakadai vakati izvi zvino wanzoitika kana nyika iyi yave kuda kuenda kusarudzo.

Vaenderera mberi vachiti kana South Africa ichitadza kugadzirisa dambudziko iri, masangano akaita seSadc neAfrican Union ndiwo anofanira kuzeya kana kugadzirisa nyaya iyi.

Studio 7 haina kuwana mhinduro kubva kumutauriri webazi rinoona nezvemukati menyika yeSouth Africa, VaDavid Hlabane, sezvo vanga vasingadavire mbozhanhare yavo.

Hazvizivikanwe kuti South Africa ine zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvingani asi zvizvarwa zveZimbabwe munyika iyi zvinofungidzirwa kuti zvingangosvika kana kupfuura mamiriyoni matatu.

Zvizvarwa izvi zviri munyika yeSouth Africa nekuda kwezvikonzero zvakasiyanasiyana zvinosanganisira mamiriro ezvematongerwe enyika pamwe nehupfumi muZimbabwe.

Nyaya ina Moreblessing Munjoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG