Accessibility links

Breaking News

Vatyairi veMarori vemuZimbabwe Vochema Chema Nekumanikidzwa Kushandisa Zambuko reKazungula


Antrean panjang truk-truk trailer untuk mengisi bahan bakar di sebuah pom bensin di tengah kelangkaan BBM di Caracas, Venezuela, 5 Maret 2021. (Foto: Leonardo Fernandez Viloria/Reuters)

Zvimwe zvarwa zveZimbabwe zvino gara muSouth Africa zvichityaira marori zvatotanga kuchema chema nenyaya yekumanikidzwa kushandisa zambuko reKazungula nekuregedza kushandisa muganhu weBeitbridge.

VaRight Moyo, mumwe wevatyairi ava, uyewo vakamirira sangano reZimbabwe All Truckers Association, vanoti kusadarika nemuZimbabwe vari pabasa kwave kupa kuti vatadze kuonana nehama dzavo uye kutakura zvinhu zvekutengesa zvinodiwa kuZiVambabwe kuti vawanewo chouviri.

Asi mumwewo mutyairi asina kuda kudomwa nezita ati hapana chakaipa kushandisa , izvi zvichayamura makambani emarori akawanda sezvo mafuta anoshandiswa nemarori, akachipa muBotswana.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera, vanoti danho iri richakanginisa zvikuru mhuri yeZimbabwe inoita zvekutenga nekutengesa pakati peZimbawe ne South Africa.

VaKuchera vati nyika yeZimbabwe icharasikirwa zvikuru nehupfumi kuburikidza nemitero naizvozvo inofanira kugadzirisa mamiriro emuganhu weBeitbridge kana ichida kukwikwidzana nezambuko reKazungula.

VaStan Makwara, sachigaro weProudly 263, sangano rinosimudzira zvizvarwa zveZimbabwe zvine mabhisimisi achiri kusimukira muSouth Africa, vanoti nhengo dzavo ndidzo dzicharasikirwa zvikuru nedanho iri.

Zambuko reKazungula rakavakwa neBotswana neZambia dzichibatsirwa nezvikwereti kubva kuAfrican Development Bank neJapan International Cooperation Agency.

Nyaya Ina MoreBlessing Munjoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG