Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweRuzivo rweZvinodiwa paMuganho Kwotadzisa Vakawanda Kuenda Kumusha paZororo reKisimusi


Vanhu vakaungana pamuganhu weSouth Africa neZimbabwe, weBeitbridge
Vanhu vakaungana pamuganhu weSouth Africa neZimbabwe, weBeitbridge

Masangano anomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa anoti gore rino mhuri zhinji dzichatadza kuenda kumusha kuzororo reKisimusi nekuda kwekushaya ruzivo rwakadzama maererano nezviri kuitika pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa, weBeitbridge pamwe nekudhura kuri kuita magwaro anoratidza kuti munhu avhenekwa kuti haana chirwere che Covid-19, anodiwa kuitira kuti munhu akwanise kuyambuka pamuganhu uyu.

Sachigaro vesangano reZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vati zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zviri muSouth Africa, zvinoshanda mabasa anobhadhara mari shoma naizvozvo hazvikwanise kubhadhara mari inodiwa pakutora magwaro aya.

VaShumba vapa chikumbiro kunyika yeSouth Africa neZimbabwe pamwe nenyika dzemugungano reSADC kuti paitwe hurukuro maererano nekudhura kuri kuita magwaro aya, paitwe chibvumirano chekuti zvipatara zvehurumende zvive izvo zvinovheneka vanhu zvichipa magwaro aya pachena.

Pari zvino makambani akazvimirira akawanda ndiwo ari kuita basa iri achibhadharisa mari dzakasiyanasiyana.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti vanhu vakawanda vachakundikana kuenda kumusha sezvo vakange vasingashandi kwemwedzi ine chitsama mushure mekuvharwa kwemakambani akawanda nekuda kwe Covid-19 kubva pakatorwa matanhu ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi muna Kurume wegore rino.

Chimwe chizvara cheZimbabwe charamba kudomwa nezita, chinoti gore rino chichatambira Kisimisi muno asi chichatumira vabereki vari kumusha cheuviri.

MuZimbabwe, gwaro rekuti munhu akaongororwa chirwere cheCovid-19 riri kuita makumi matanhatu emadhora ekuAmerica kana kuti US$60.00, muSouth Africa munhu achibhadhara mari inotangira pamaranzi mazana masere, kana kuti R800 kusvika kuchiuru chine mazana matatu chemaranzi, kana kuti R1 300.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira vana veZimbabwe vanoita zvekutenga nekutengeserana, reZimbabwe Cross Border Traders Association, VaDenis Juru, vatsigirawo mashoko aya vachishorawo vamwe vashandi vepamuganhu vavati vari kuita zvehuori.

VaJuru vaendererewo mberi vachiti dai pamuganhu weBeitbridge paiswa michina inotora mifananidzo, kana kuti ma surveillance camera, anoongororwa nemunhu asiri pamuganhu.

Nyanzvi mune zvehupfumi, VaEddi Mahende, vati mhuri yeZimbabwe yakawanda inoshanda ichigara muSouth Africa yange yakaomerwa zvikuru nehupenyu mugore ra2020.

VaMahende, avo vanovawo mufundisi, vati kushaikwa kwemari mudzimba nekuda kwematambudziko akakonzerwa nechirwere cheCovid-19 ndiko kumwe kuchatadzisa vanhu kufamba rwendo rwuno, vachiti zvakakonzerawo mhirizhonga mudzimba nekuparara kwemichato yakawanda..

Studio 7, haina kukwanisa kubata mapazi anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika emuZimbabwe neSouth Africa, kana bazi rinoona nezvehutano, maererano nenyaya iyi.

Asi sangano remuSouth Africa rinomiririra vanachiremba, reSouth Africa Medical Association, kana kuti SAMA, rinoti mari inobhadhariswa navanachiremba inoenderena nebasa ravari kuita uyewo nezvinodiwa nezvipatara zvavo.

Huwandu hwevanhu vari kufa kana kubatwa nechirwere cheCovid-19 muSouth Africa huri kuramba huchikwira, zvimwechete nezviri kuitikawo kuZimbabwe nepasi rose.

Pari zvino vanhu vanodarika zviuru mazana masere nemakumi mana nezvishanu, kana kuti 845 000 vabatwa nechirwere ichi, vamwe vanodarika zviuru makumi maviri nemazana mapfumbamwe, kana kuti 22 900 vafa nacho. Vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe nemakumi mashanu nezvisere kana kuti 758 vapona kubva kuchirwere ichi.

Nyaya ina Moreblessing Munjoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG