Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatanhatu Vofa Mumhirizhonga Iri MuSouth Africa Yopa Kuti Mauto Apindire


VaJacob Zuma
VaJacob Zuma

Hurumende yeSouth Africa nemusi weMuvhuro yakapinza mauto mumigwagwa muGautreng neKwazulu Natal senzira yekumisa mhirizhonga inotyisa iri munyika iyi zvichitevera kukandwa mujeri kwevaive mutungamiri wenyika iyi VaJacob Zuma vachipomerwa mhosva yekuzvidza dare. Vamwe vanhu vakatorasikirwa nehupenyu.

Mumashoko kuvatori venhau, mapurisa kuburikidza nesangano reNational Joint Operational Structure kana kuti NatJoints akati ari kuongorora kufa kwevanhu vatanhatu kuGauteng nekuKwazulu Natal.

Nekuda kwemhirizhonga iyi, zvitoro zvakawanda zvainge zvakavharwa sezvo vairatidzira vari kuzviputsa nekuba zvinhu. Mimwe migwagwa yainge yakavharwa motokari dzichipiswa nekutemwa nematombo.

Mapurisa anotiwo vanhu vanodarika mazana maviri vasungwa kubva zvakatanga kuratidzira uku.

Kusagadzikana kwezvinhu uku kwapa kuti sangano reNatJoints, rikumbire mauto kuti abatsire mukuunza runyararo,

Mhirizhonga iyi, inouya panguva iyo dare repamusoro muSouth Africa, reConsitutional Court, range richinzwa chikumbiro chaVaZuma, chekuti riise padivi kana kurasa mutongo wemhosva yavari kupikira kwemwedzi gumi nemishanu kujeri reEstcourt, mudunhu reKZN.

Gweta raVaZuma VaDali Mpofu vakaudza dare iri kuti VaZuma vakatyorerwa kodzero dzavo sezvo vasiri kupihwa mukana uri mubumbiro remitemo wekuti vatongwe zvinovagutsa. Asi vamwe vatongi vedare iri vange vachiti VaZuma vakazvisikira moto muziso nekuzvidza dare.

Rimwe gweta rine ruziwo nezve nyaya iyi, VaChripen Machingura, vanoti magweta aVaZuma anoratidza kuti VaZuma vari kubvuma mhosva asi varikupikisa kubatwa kwakaitwa nyaya yavo nedare repamusoro.

Svondo rapera, dare reHigh Court, muPetermeritziburg, rakaramba chikumbiro chavakange vapa chekuti dare reConstitional Court risa vakanda mujeri sezvo vachirwara. Asi dare rakati pakange pasina humbowo hunotsigira zviri mugwaro ravo.

Mune imwewo nyaya, mutungamiriri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nemusi weSvondo vakazivisa kuti nyika yavo icharamba iri muchikamu chechina, kana kuti Level 4, iyo vakange vatara kubva musi wa 27 Kubvumbi senzira yeku dzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, icho chauraya vanhu vanopfuura zviuru makumi matanhatu nemana kana 64 000.

Vachitura mashoko kunyika, VaRamaphosa vakati mutemo wekurambidzwa kwevanhu kuungana panguva dzekunamata, zvematongerwo enyika uyewo nemafaro, ucharamba uripo kwemamwe masvondo maviri anotevera.

Mumwe muzvinabhizimisi, VaDarlington Chidewu vaudza Studio 7, kuti VaRamaphosa vangadai vanzwirawo veruzhinji tsitsi nekurega mabhizimisi achishanda akasungunuka.

Asi mukuru wesangano reInternational Cross Border Traders Association, VaDennis Juru, vanoti danho ratorwa naVaRamaphosa rakanaka zvikuru.

Kuramba mitemo yakaomeswa panyaya yekurwisa Covid-19 kunonzi kunoomeserawo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinoshanda munyika yeSouth Africa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG