Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waAnne Nhira Waendeswa kuZimbabwe Kunoradzikwa


Ann Nhira Memorial
Ann Nhira Memorial

Hama neshamwari dzemudzimai aiita zvemitambo muZimbabwe nekuSouth Africa, Anne Nhira, uyo akashaya musi wa 11 Kurume kuSouth Africa kwakare, dzaita munato muRandburg, South Africa, wekurangarira mufi mutumbi wake usati waendeswa kuZimbabwe.

Hama neshamwari dzemudzimai aiita zvemitambo muZimbabwe nekuSouth Africa, Anne Nhira, uyo akashaya musi wa 11 Kurume kuSouth Africa kwakare, dzaita munato muRandburg, South Africa, wekurangarira mufi mutumbi wake usati waendeswa kuZimbabwe.

Munamato uyu waitwa nevashandi vekambani yeNyaradzo, uye wapindwa nevanhu vashoma senzira yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Veruzhinji vanga vachiona munamato uyu paYoutube.

Vanhu vataura pamunamato uyu varumbidza Nhira vachiti aive munhu ane tsika, aizvininipisa, aishanda nesimba uye aishushikana nekutambura kuri kuita zvizvarwa zveZimbabwe kwese kwazviri.

Vachitaura pamunamato uyu, VaShelton Chiyangwa, vati sahwira wavo Nhira akauya kuSouth Africa achiita mabasa akasiyana siyana aisanganisira kutengesa madhoiri, kuitira kuti ararame.

VaChiyangwa vati vakasangana naNhira muPort Elizabeth muSouth Africa muna 2008, vakamuona ari munhu aikoshesa hupenyu hwake.

VaChiyangwa vati Nhira akange asingade zvinhu zvisina maturo uye aibuda pachena kana achinge aine zvinomunetsa.

Vaenderera mberi vachiti Nhira akange asisina hany’a nekuenderera mberi nekuve mutambi nekuda kwekuti akange achisangana nematambudziko akasiyana siyana.

Mutumbi waNhira watakurwa nemotokari yeNyaradzo, zvokuti watove muZimbabwe uri munzira kuenda kuHarare.

Nhira akaita mukurumbira muZimbabwe kubva kutanga kwa2000, apo akaita mitambo neStudio263 ari Vimbai Jari.

Muna 2008, Nhira akaenda kuSouth Africa uko akave mumwe wevatambi mumafirimu akasiyana siyana, anosanganisira The Rapist, Ndafunga Dande, Zabalaza, neMutual Friends.

Kunyange hazvo Nhira aifarirwa nevanhu vakawanda vanotevera nyaya dzemitambo, muna 2017, akatosvoranawo nevanhu vakawanda apo akanyorera hurumende yeZimbabwe kuti irambidze mumwe mutambi wemu South Africa, Zodwa Wabantu, kuti apinde muZimbabwe kuzove mutambi mumitambo yeHarare International Carnival.

Hurumende yakatambira mashoko aNhira, Zodwa akarambidzwa kupinda muZimbabwe.

Nhira akashaya svondo rapera ava nemakore makumi matatu nemasere, uye mutumbi wake ucharadzikwa muHarare kunyange hazvo pasati patarwa zuva raacharadzikwa.

Nhira akafa nenzira inorwadza mushure mukurwiswa nevanhu vakamutorera nechisimba zvinhu zvaainge anazvo.

Mapurisa emuSouth Africa anoti haasati asunga vanhu vakakonzeresa kufa kwaNhira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG