Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waAnne Nhira Wotarisirwa Kusvika muZimbabwe Nhasi


نوکیشان مسیحی
نوکیشان مسیحی

Mutumbi wemudzimai aiita zvemitambo muZimbabwe nekuSouth Africa, Anne Nhira, uri kutarisirwa kusvika muZimbabwe nhasi kuitira kuti uzoradzikwe kumusha kwake.

Mutumbi wake wanga wava nemazuva masere uri muSouth Africa.

Muaturiri wemhuri yekwaNhira, VaSimon Nyarugwe, vati mutumbi waNhira uri kusvika muZimbabwe nhasi masikati. Vati mutumbi uyu wakanonoka kupedza kuongororwa zviri pamutemo chakapa kuti mutambi uyu afe chii, kana kuti post-mortem.

VaNyarugwe vati mutumbi usati wasimuka muSouth Africa, hama neshanmwari dzichipihwa mukana wekuonekana nemutambi uyu, uye pachaitwa munamato muRandsburg mangwanani anhasi wekurangarira mabasa akaitwa naNhira.

VaNyarugwe vati mutumbi waNhira ucharadzikwa muHarare, asi havasati vaziva kuti izvi zvichaitwa riini.

Nhira akafa musi wa 11 Kurume, zvichitevera kukuvadzwa kwaakaitwa apo akarwiswa nevanhu vakamutorera zvinhu zvake nechisimba.

Mutambi uyu akaita mukurumbira muZimbabwe kumakore ekutanga a 2000, apo akaita mitambo yainakidzo yaiburitswa neStudio263 achitamba ari Vimbai Jari, mudzimai aidiwa zvikuru nemurume ainze James.

Muna 2008, Nhira akaenda kuSouth Africa achitsvaga mafuro manyoro. Mushure memakore mashanu ari muSouth Africa, Nhira akava mumwe wevatambi mufirimu remuSouth Africa rinonzi The Rapist muna 2013.

Akaita zvakare rombo rakanaka kuita mutambi mumatambo unonzi Ndafunga Dande.

Gore rakatevera, 2014, Ndira akavawo mutambi mumutambo une mukurumbira muSouth Africa, Zabalaza, uyo unoburitswa paMNet nepanhepfenyuro yeSABC.

Ari muSouth Africa, akaitawo mutambo mumutambo wepaterevhizheni unonzi Mutual Friends.

Kunyange hazvo Nhira aifarirwa nevanhu vakawanda vanotevera nyaya dzemitambo, mutambi uyu akatosvorana nevanhu vakawanda muna 2017 apo akanyorera hurumende yeZimbabwe kuti irambidze mutambi wemu South Africa, Zodwa Wabantu, kuenda kuZimbabwe kuti anopinda mumitambo yeHarare International Carnival.

Hurumende yakatambira mashoko aNhira, Zodwa akarambidzwa kupinda muZimbabwe.

Nhira akashaya ava nemakore makumi matatu nemasere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG