Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe neSouth Africa Dzinoita Musangano Wekutarisa Matambudziko ari paMuganhu weBeitbridge


Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinonzi zviri kuyambuka rwizi Limpopo kupinda muSouth Africa zviri kunze kwemutemo zvichisiya muganhu weBeitbridge.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinonzi zviri kuyambuka rwizi Limpopo kupinda muSouth Africa zviri kunze kwemutemo zvichisiya muganhu weBeitbridge.

Makurukota anoona nezvemukati menyika dzeSouth neZimbabwe, VaAaron Motsoaledi naVaKazembe Kazembe, neSvondo vakaita musangano pamuganho wenyika mbiri idzi weBeitbridge, wekuzeya nzira dzekugadzirisa nadzo matambudziko akatarisana nemuganhu mukuru uyu.

Bazi remukati meSouth Africa rinoti nyaya dzakazeiwa pamusangano uyu dzino sanganisira huwori uyewo nzira dzingatorwa mukugadzirisa chipitipiti pamuganhu uyu panguva yezororo reKisimusi mwedzi unotevera.

VaMotsoledi vakati nyika yavo neyeZimbabwe, dzakazeyawo nyaya yekushomeka kwevane ruzivo rwehutano pamuganhu apa, avo vachazoongorora kupararira kwechirwere cheCovid 19 kana vanhu voenda kana kubva kuzororo.

Vakaenderera mberi vachiti, vachaita chirongwa chekuzivisa ruzhinji kuti hapana vanhu vachabvumidzwa kupinda muSouth Africa vachishandisa muganhu weBeitbridge kana vaine chirwere cheCovid-19.

Asi sachigaro wesangano reZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba vanoti musangano uyu hauna zvaunoreva sezvo makurukota aya asina kutaura pamusoro pekudhura kwemagwaro anoratidza kuti munhu avhenekwa Covid 19 uyewo nenyaya yema permit.

Vanoti VaMotsoaledi naVaKazembe, vangadai vakatauriranawo pamusoro penyaya yekunetsa kunoita kuwana magwaro ekufambisa uyewo anobvumidza zvizvarwa zveZimbabwe kushanya, kushanda kana kugara muSouth Africa.

Vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinopinda muSouth Africa nekuda kwenhamo naizvozvo zvinofanira kurerutsirwa panyaya iyi.

Vaenderera mberi vachiti hurumende mbiri idzi, dzingadaiwo dzaka kurukura nyaya yeku shungurudzwa kuri kuitwa mhuri yeZimbabwe muSouth Africa nezvizvarwa zvenyika iyi.

VaMotsoaledi vakazivisa kuti mapurisa, mauto, pamwe nevashandi vemubazi ravo vari kushanda vari pamuganho kudzorera zvizvarwa zveZimbabwe kumusha zvinenge zvapinda munyika mavo zvisina magwaro.

Nemusi wechipiri mauto emuSouth Africa akadzora vanhu vaibva kuZimbabwe vanopfuura zana vakange vachiedza kupinda muSouth Africa zvisiri pamutemo.

Kutanga kwegore rino, hurumende yeSouth Africa yakaisa fenzi pamuganho wayo neZimbabwe, kuitira kuti pasave neanopinda munyika iyi zvisiri pamutemo, uyewo kuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende yeZimbabwe panyaya iyi sezvo tatadza kubata Vakazembe kanawo vekumuzinda weZimbabwe muSouth Africa.

Hurumende yeZimbabwe yakazivisa kuti ichavhura miganhu yayo, kusanganisira weBeitbridge, musi wa 01 Zvita, unove svondo rinouya, mushure mekuvharwa kwemwedzi yakawanda semamwe ematanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Nyaya ina Moreblessing Munjoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG