Accessibility links

Breaking News

South Africa Inovhara Zvakare Miganhu Yayo Yose


FILE PHOTO: South African President Cyril Ramaphosa visits the coronavirus disease (COVID-19) treatment facilities in Johannesburg

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakavhara miganhu yenyika yavo kutanga nezuro, Muvhuro, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaRamaphosa vakati nyika yavo yatora danho iri mushure mekukwira kuri kuita huwanda hwevanhu vari kufa, pamwe nekubatwa nechirwere ichi.

Asi vakati miganhu iyi icharamba ichishandiswa nemotokari dzinotakura zvinhu zvakaita semafuta edzimotokari, midziyo pamwe nevanhu vanenge vachipinda munyika kuzorapwa.

Asi VaRamaphosa havana kujekesa zvakazara pamusoro pezvizvarwa zvekunze izvo zvakange zvapinda muSouth Africa mitemo iyi isati yadzikwa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaCosmas Zowa, vati vanotambira zvakatarwa naVaRamaphosa kunyange hazvo zvichaomesera vanhu vakawanda.

VaZowa vati mhuri yeZimbabwe inogara muSouth Africa, inorarama nekushanda munzvimbo dzinotengeserwa hwahwa kana dzinodyirwa idzo dzakavharwa pasi pemitemo mitsva iyi

Sachigaro weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vatiwo mhuri zhinji dzinorarama nekushanya muSouth Africa kuzotenga nekutengesa, ndidzo dzichaomerwa zvikuru nehupenyu.

Mudzidzisi pachikoro chepamusoro cheTswane University of Technology, Dr Ricky Mukonza, vati kunyange hazvo ruzhinji ruchichema nekuvharwa kwemiganhu, chakakosha inyaya yekuti VaRamaphosa hapana zvakawanda zvavasandurwa kunze kwekukurudzira kukosha kwekuzvichengetedza.

Mumiririri pamuzinda weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, vati havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi, sezvo vari kunze kwenyika.

Pari zvino South Africa yave nevanhu vafa nechirwere ichi vanopfuura zviuru makumi matatu nezvitatu nemazana mashanu nemakumi manomwe nevapfumbamwe, kana kuti 33,579, uye vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nemazana maviri nemakumi mashanu ezviuru, kana kuti 1.25 million.

Asi hazvzivikanwe kuti kune zvizvara zvingani zveZimbabwe zvakafa, kana kubatwa nechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG