Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoramba Kutambira Chikumbiro chaVaZuma Chekuti Vasasungwe


(FILES) In this file photo taken on July 04, 2021 Former South African president Jacob Zuma addresses his supporters in front of his rural home in Nkandla for the first time since he was given a 15-months sentence for contempt of court. - South…
(FILES) In this file photo taken on July 04, 2021 Former South African president Jacob Zuma addresses his supporters in front of his rural home in Nkandla for the first time since he was given a 15-months sentence for contempt of court. - South…

Dare repamusoro rarasa chikumbiro chevaimbove mutungamiriri weSouth Africa, VaJacob Zuma, chekuti dare iri rimise kusungwa kwavo vachikandwa mujeri kuitira kuti vapike mutongo wavakapiwa nedare reConstitutional Court mwedzi wapfuura.

Dare remu Petermaritzburg raramba kutambira chikumbiro chaVaZuma richiti kurwara kwavakataura kuti vari kuita, hakuna humbowo hunotsigira izvi mugwaro ravo.

VaZuma vakanga vatiwo vasaendeswe kujeri sezvo vachityira hutano hwavo kubva kuchirwere cheCovid-19 chanetsa pasi rose.

Asi magweta ehurumende akanga apikisa achiti VaZuma havafanirwa kunzwirwa tsitsi sezvo vachityora mitemo yenyika.

Mutauriri weZuma Foundation, Mzwanele Manyi, audza vatori venhau nhasi kuti kutadza kubudirira kwaVaZuma pachikumbiro chavo hazvina zvakanyanya zvazvinoreva sezvo VaZuma vakazvipira kumapurisa nemusi weChitatu manheru.

VaZuma vamirira kunzwa kudare reConstitutional Court kuti nyaya yavakasvitsawo kudare iri ichapera seyi nemusi weChipiri svondo rinouya.

VaZuma vakanyorera dare iri vachipa dare iri pfungwa dzavo pamutongo wavakapihwa mwedzi wapera.

VaZuma vakaramba kumira pamberi peZondo Commission iyo yakagadzwa kuti iferefete huori hunonzi hwakaitika muhurumende panguva iyo vaive mutungamiri weSouth Africa kubva muna 2009 kusvika muna 2018.

Kuramba uku ndiko kwakapa kuti vapihwe mutongo wekugara mujeri kwemwedzi gumi nemishanu.

Nhasi vatsigiri vaVaZuma vange vachiratidzira mumigwagwa kusafara kavo nemutongo wanhasi muguta reDurban nePietermaritzburg.

Vazhinji vavo vange vachivhara migwagwa, kupisa matayi, kutema dzimotokari pamwe nekurasa marara mumigwagwa.

Studio7 haina kukwanisa kuziva kana paine vasungwa zvichitevera mhirizhonga iyi.

Zvichakadaro, hurumende yeSouth Africa nezuro yakadzosa zvechisimba kuZimbabwe zvizvarwa zveZimbabwe mazana maviri nemakumi maviri, zvanga zviri panzvimbo inochengeterwa vapoteri, yeLindela Detention Centre.

Vanhu ava vanosanganisira makoronyera, vasina magwaro uyewo nevakange vambopiwa mvumo yekupinda muSouth Africa, asi vakazogarisa munyika iyi.

Mukuru wepamaofisi emuzinda we Zimbabwe muJohanneaburg, Amai Melody Chaurura, vanoti hurumende yeSouth Africa, inodzosera kumusha vanhu vanosvika zana pavhiki rega rega, asi haina kukwanisa kuita izvi kwemavhiki maviri apfuura, nekuda kwezvimhingampini zvakasiyana siyana.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vati sangno ravo riri kushushikana zvikuru nemuitiro wehurumende yeSouth Africa wekushungurdza zvizvarwa zveZimbabwe.

VaShumba vati dai South Africa yambomira kudzora vanhu panguva ino yechirwere cheCovid-19.

Nhengo ye Zimbabwe Migrants Support Network, VaShelton Chiyangwa, vati South Africa ndiyo isingade kupa vanhu ava magwaro.

Vati muzinda weZimbabwe muSouth Africa unofanira kuzeya nyaya iyi nehurumende yeSouth Africa.

Asi kudzoswa kwevanhu ava kunoitika mushure mokunge South Africa, yazivisa kuti vose vakashanya, vane magwaro asingachashande kubva musi waChivabvu 30 vakange vapihwa mvumo yekugara munyika kwemwedzi mitatu kuvanhu vakatadza kubuda munyika panguva yelockdown yekutanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG