Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voparadzirwa Dzimba neMafashamu eMvura kuMasvingo


Vanhu vakawanda mdhorobha reMasvingo vakaparadzirwa dzimba uye midziyo yavo neChitatu manheru nemafashamu emvura akabatana nemhepo yaivhuvhuta zvine simba.

Vamwe vagari vekuRunyararo West, Sisk, pamwe neku Victoria Ranch vakarara vachinayiwa nemvura mushure mekunge matenga avo atorwa nemhepo izvo zvakaita kuti varasikirwe nemidziyo yavo.

Amai Enesia Cheka Cheka, vanogara mumusha weSisk vanoti imba yavo yakasara isina denga apo rakatorwa ne mvura uye vari panguva yakaoma sezvo mvura iri kuratidza kuti icharamba ichinaya.

VaKudakwashe Mago veku Runyararo West, vati zvinhu zvavo zvizhinji zvakaparadzwa ne mvura uye mhuri yavo yaswera panze zuva rose kuchinaya. Vati vari mubishi kutsvaa mari yekugadzira denge remba yavo.

Asi vamwe vagari vanoti nekuda kwekunetsa kuri kuita mari munyika havana mari yekutenga marata ematenga edzimba dzavo nekudaro vanotyira hupenyu hwemhuri dzavo sezvo mvura iri kuramba ichinaya.

Vamwe vagari vari kupomera mhosva kukanzuru yeguta reMasvingo vachiti iri kutedza kuchenesa migero inorasa mvura zvopa kuti igume yaerera ichipinda mudzimba dzavo.

VaCuthbert Maunza ndemumwe mugari anoti kanzuru iri kukundikana basa.

Meya weguta reMasvingo , VaCollen Maboke, vati vanonzwisisa kuchema chema kwevagari nenyaya dzemigero inofambisa mvura kana kwanaya, vachiti vari kuigadzirisa.

VaMaboke vakaurudzira vagari kuti vagadzirise dzimba dzavo dzisimbe sezvo yave nguva yemvura iyo ine njodzi dzakawanda.

Mafashamu emvura aya auya robha mushure menguva yakawanda yekupisa iyo yanga yopa vanhu pfungwa dzekuti gore rino mvura inogona kurambira mudenga.

Bazi rehurumende rinoona nezve mamiriro ekunze rakapa yambiro munyika kuti gore rino kunogona kuita zvekare mafashamu emvura nedutumupengo remhepo.

Nyaya Ina Godfree Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG