Accessibility links

Breaking News

Kutambidzanwa kweMasimba Pakati paVaTrump naVaBiden Koita Zvipingaidzo


Trump and Biden
Trump and Biden

Kutambidzanwa kwemasimba muAmerica hakusi kufamba zvakanaka sezvinotarisirwa nguva dzose zvichitevera danho rakatorwa nemutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, rekupikisa zvakabuda musarudzo yemamwe matunhu.

Kupikisa kwaVaTrump uku kwaita kuti chikwata chevachangobva mukusarudzwa semutungamiri mutsva wenyika anofanirwa kutora matomu zviri pamutemo muna Ndira gore rinouya, Va Joe Biden, chitadze kuita basa racho nemazvo rekutanga kuronga hurumende ichange iriko gore rinouya.

Bazi reGeneral Services Adminstration, GSA, iro rinoona nezvekutambidzwana kwemasimba kuburikidza nekupa achangokunda musarudzo zvikanisiro zvose, rinonzi harisati rapa chikwata chaVaBiden svumbunuro dzekuti chitange kushanda zviri pamutemo sezvinodiwa nemutemo wePresidential Transition Act of 1963.

GSA iri kuti haisati yasumwa zviri pamutemo kuti VaBiden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri we America, zvisineyi kuti masangano enhau ose emuAmerica akabuda ose achiti VaBiden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Studio7 haina kukwanisa kubata mukuru weGSA, Amai Emily Murphy, kuti tinzwe pamire bazi ravo panyaya iyi.

Emily Murphy
Emily Murphy

Nepamusana pekuti GSA haisati yasumwa zviri pamutemo, bazi iri rakaudza masangano enhau kuti harikwanisi kuvhura mukana wekuti chikwata chaVaBiden chekutambidzana masimba chiwane mari inosvika mamiriyoni gumi emadhora yekushandisa mukuumba hurumende inofanirwa kutanga kushanda zviri pamutemo musi unogadzwa VaBiden semutungamiri wenyika.

Zvimwe zviri kunetsa munyaya iyi idanho zvakare rakaitwa naVaTrump rekudzinga nemusi weMuvhuro gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaMark Esper, avo vakaziva nezvekudzingwa kwavo mushure mekunge mutungamiri wenyika vazivisa izvi paTwitter yavo.

U.S. Defense Secretary Mark Esper
U.S. Defense Secretary Mark Esper

Bazi rekudzivirirwa kwenyika rine masimba zvikuru pamafambisirwo emari dzehurumende, uye bazi iri kuti riburitse mari iyi, rinofanirwawo kutanga rasumwa neGSA.

Semutungamiri achangobva mukusarudzwa, VaBiden vanofanirwa kudoma vashandi muhurumende vanosvika zviuru zvina vanofanirwa kuongororwa kuti vanokodzera here kunge vachitungamira hurumende muzvinzvimbo zvakasiyana siyana.

Pavanhu ava, vamwe chiuru nemazana maviri nemakumi mashanu vanofanirwa kutambirwa nedare reSenate kuti vanokodzera kuita mabasa avakadomerwa.

Asi izvi zvinoda mari yakawanda, mahofisi, makombiyuta pamwe nezvimwe zvikwanisiro zvisati zvapihwa chikwata chaVaBiden.

Pasi pemitemo yeAmerica, VaBiden vanogona kushandisa imwe yemari yavakapihwa sarudzo dzisati dzaitwa mukuumba hurumende yavo, asi mari iyi inonzi ishoma zvikuru pamari inosvika mamiriyoni gumi emadhora yavanofanirwa kupihwa mushure mekudomwa semutungamiri mutsva akasarudzwa.

Chikwata che Electoral College chiri kusangana musi 14 Zvita kuti chitambire zviri pamutemo akakunda musarudzo iyi.

Asi izvi zvinogona kunonotswa nenyaya dziri mumatare dzakaiswa naVa Trump vachipikisa kukundwa kwavo.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika uye vari mudzidzisi pa University of Arizona, Professor Praise Zenenga, vanoti kunetsana kwakadai kwakaitikawo muna 2000, apo mumiriri we Democratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika, Va Al Gore, vakapikisa zvakabuda musarudzo yemu Florida, dare repamusoro soro rikazobuda nemutongo wekuti Va George W. Bush veRepublican Party, ndivo vakanga vakakunda musarudzo iyi.

Al Gore & George W Bush
Al Gore & George W Bush

GSA yakazopa chikwata chaVaBush svumbunuro musi waZvita 14, 2000.

Kubva ipapo kusvika musarudzo dzakaitwa muna 2016 idzo dzakaona VaTrump vachikunda Amai Hilary Clinton, hapana kuzvuva makumbo kwakaitika mukutambidzwana kwemasimba.

Pakakunda VaBarack Obama muna 2008, VaBush vakatevedza zviri pamutemo kugadzirira VaObama nekuvapa rutsigiro rwose rwunokodzera.

George W Bush & Barack Obama
George W Bush & Barack Obama

Izvi zvakaitikawo pakakunda VaTrump muna 2016 avo vakapihwa rutsigiro rwese naVaObama kuitira kuti vagadzirire hurumende yavo vasati vatoreswa mhiko.

Professor Zenenga vanoti pasi rose rinenge rakatarisira zviri kubuda musarudzo dzemuAmerica, nokudaro nyika iyi inofanirwa kuratidza pasi rose kuti zvinhu zvayo zvakatsetseka.

Professor Zenenge vanoti nguva yekuti VaBiden vaite basa ravo nemazvo nechikwata chavo che transition team iri kufamba sezvo paine zvinhu zvakawanda zvinoda kuitwa VaBiden vasati vatoreswa mhiko musi Ndira 20, 2021.

Kunyange hazvo paine kunetsana uku, Professor Zenenga vanoti mitemo yemuAmerica iri pamusoro pemunhu wese, uye ndiyo ichashanda mukuona kuti kutambidzwana kwemasimba kwaitwa pasina kuzvuva makumbo.

Nhengo dzeRepublic Party, kusanganisira VaBush, pamwe nenhengo dzebato reDemocratic Party, dziri kukurudzira hurumende yaVaTrump kuti iremekedze mitemo yenyika nekuona kuti chikwata chaVaBiden chatanga kuita basa racho nemazvo uye kuona kuti chine zvikwanisiro zvose zvinodiwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG