Accessibility links

Breaking News

Mushonga weCovid-19 Wakawanikwa Asi Zvichatora Nguva Kuti Usvike kuZimbabwe neDzimwe Nyika


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzavekutarisira kuti kuwanikwa kwemishonga yekurapa chirwere cheCovid-19 kuchabatsira kuti vanhu vasafe vakawanda pasi rose.

Nemusi weMugovera vanoona nezvemishonga muAmerica veFood and Drug Administration kana kuti FDA vakapa mvumo kuti mushonga unonzi Regeneron wakapihwa mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump pavakarwa neCovid-19 uchitange kupihwa vanenge vabatwa nechirwere ichi zvikuru vana uye vakwegura.

Mamwe makambani maviri akati agadzira nhomba yekurapa chirwere ichi anoti Pfizer ne Moderna akamirira kupihwa mvumo neFDA. Asi zviri kutarisirwa kuti zvichatora nguva kuti munhu wose abaiwe nhomba pasi rose sezvo mushonga wacho wakawandirwa.

Vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vanoti kuuya kuZimbabwe kuchatora nguva nekuti haisi nyika ine vanhu vakawandisa vabatwa kana kufa nechirwere ichi. Vati vanoona sekuti America, India, South Africa neBrazil ndidzo dzichatanga kuwana mushonga nekukasika.

Hurukuro naDr Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vari kurwara nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neMugovera kusvika pazviuru zvipfumbamwe anezana nemakumi manomwe nevaviri kana kuti 9,172 mushure mekunge vamwe vanhu makumi mashanu nevaviri vabatwa nechirwere ichi.

Vanhu vose vakabatwa nechirwere ichi havana nhoroondo yekubuda munyika uye vakawanda vacho vari muguta reBulawayo.

Vanhu vari kurwara mazana matanhatu nemakumi manomwe nevaviri kana kuti 672 uye pavanhu ava, mazana maviri negumi nevashanu vari muBulawayo, zana nemakumi matanhatu nevana kana kuti 164 vari kuMatabeleland North, Harare ine makumi masere nevatanhatu 76, Matabeleland South makumi matanhatu nevashanu uye Mashonaland East ndiyo ine vanhu vashoma vari kurwara pamatunhu ose vanove gumi nevaviri.

Vanhu vapora kusvika parizvino vave zviuru zvisere nemazana maviri ane makumi matatu nevashanu kana kuti 8, 235 mushure mekunge vanhu gumi nemumwe vapora neMugovera.

Vanhu vafa vachiri mazana maviri nemakumi matanhatu nevashanu kana kuti 265.

Bepanhau reSunday Mail rinotiwo kutanga svondo rino National Institute of Health Research kana kuti (NIHR) ichapinda munharaunda dzakasiyana siyana mumadhorobha nemumaruwa ichiita ongororo yekuona kuti chirwere cheCovid19 charuura munzvimbo dzipi chaidzo.

Chirongwa ichi chinonzi National Sero-Prevalence Survey for Covid-19 uye chichapetwa musi wa30 Zvita. Vanhu vari mudzimba zviuru zvimomwe mumatunhu makumi mashanu nemana dzichavhenekwa hutachona uhu. Mapurisa anotiwo achasimbaradza kusunga vasiri kupfeka zvekuzvidzivirira kana kuti maface mask.

Vanhu zviuru mazana maviri nemakumi maviri nevana vanonzi vakasungwa kubva muna kurume pakatanga kupararira chirwere ichi munyika.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri kana kuti 2 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zviuru makumi mana nemapfumbamwe ane zana nemakumi maviri nerimwe kana kuti 49,121.

Vapora vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1, 7 million.

South Africa ine vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe nemakumi matanhatu nemashanu kana kuti 765 000 vabatwa nechirwere ichi ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi mashanu nemasere kana kuti 58 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica chete vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi mashanu nematanhatu kana kuti 256,000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nemaviri kana kuti 12 miillion.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu kana kuti 1,3 million.

Asi vapora vachidarika mamiriyoni makumi matatu nemasere kana kuti 37 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG