Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inoti Yakamirira Kubva Kuna VanaChirmba Kuti VaMatemadanda Vakaisirwa Muchetura Here Kana Kuti Kwete


VaVictor Matemadanda

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti vachiri vakamirira kunzwa kubva kuna vanachiremba kuti mutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwenyika uye vachiona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri VaVictor Matemadanda vari kurwara neyi vakakurudzira vanhu kuti vasakurumidze kutaura nezvemuchetura.

VaMugwadi vati kana VaMatemadanda mbune kana vanaya vanokwanisa kutaurawo nezvedenda ravo.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reZanu-PF VaPatrick Chinamasa nemusi weMugovera vakaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti VaMatemadanda vakatanga kurwara kubva nemusi weMugovera svondo rapera vachiswinywa nemaziso uye kuzvimba muviri nekurutsa zvakanyanyisa.

VaMatemadanda havasi ivo chete vakati vaisirwa muchetura mubato iri sezvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pavaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika vakambotiwo vaisirwa muchetura pavakarwara kunyangwe hazvo vaive mutungamiri wenyika muchakabvu Robert Mugabe vakazobuda vachiti vainge vaudzwa navanachiremba kuti waisava muchetura. VaMnangagwa vaigarawo vachiti pane aida kuvaisira mushonga kuhofisi yavo.

Gore rapera, vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vakaudzawo dare kuti vaitya kuti vakaendeswa mujeri nemhosva yehuori yavari kupomerwa vanoisirwa muchetura.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG