Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzoshushikana neKukwira kweHuwandu hweVanhu Vari Kubatwa neCovid-19 Munyika


Vanhu vakawanda vari kuvhenekwa chirwere cheCovid-19 vari kubatwa vaine chirwere ichi izvo zvoshusha vezvehutano.
Vanhu vakawanda vari kuvhenekwa chirwere cheCovid-19 vari kubatwa vaine chirwere ichi izvo zvoshusha vezvehutano.

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu makumi matanhatu nevashanu kana kuti 65, vakabatwa vaine chirwere cheCovid-19 munyika yose, uye vamwe vanhu vana vakafa nacho kuBulawayo pavanhu chiuru nezana rine makumi maviri nevatatu, kana kuti 1123 ,vakavhenekwa nemusi weChina.

Dunhu reBulawayo, iro ratarisana nedambudziko rekuve nevanhu vakawandisa vari kubatwa nechirwere ichi, rine vanhu makumi matatu nemumwe kana kuti 31 vakabatwa vaine chirwere, kuchitiwo dunhu reMashonaland West rine vanhu gumi nevatatu kana kuti 13.

Matabeleland North ine vanhu vashanu, vana kuManicaland, vana kuMashonaland Central nevamwe vana kuMashonaland East, Matabeleland South vaviri, kuchitiwo matunhu anoti Midlands neMasvingo aine munhu mumwe chete padunhu.

Dunhu reHarare harina munhu akabatwa aine chirwere ichi.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika yose vave zviuru zvipfumbamwe nemakumi mana nevatanhatu, kana kuti 9 046, kuchitiwo vanhu vapora vave zviuru zvisere nezana rine makumi mapfumbamwe nevashanu, kana kuti 8 195.

Vanhu vachiri kurwara nyika yose vave mazana mashanu nemakumi masere nevatanhatu, kana kuti 586.

Nyanzvi mune zvehutano vachitungamira sangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti vari kushushikana zvikuru nekukwira zvakare kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi, zvikuru kumatunhu ari kuchamhembe kwenyika.

Pave nekutyirwawo kuti chirwere ichi chinogona kusazokwanisa kurwiswa kana kudzivirirwa kana hurumende yakaenderera mberi nekuvhura miganho yenyika musi wa 01 Zvita sezvakayavimbisa pachitariswa kuti vanhu vazhinji vanenge vopinda nekubuda muSouth Africa, iyo inove nyika ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi muAfrica yose.

Studio 7 yakundikana kubata mukuru anoona nezvekurwisana neCovid-19, Doctor Agnes mahomva kuti tinzwe nezvematanho avari kutora mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira, vati vanga vari mumusangano vakati tivabate neMugovera.

Asi VaRusike vanoti zviri kuonekwa kuBulawayo mucherechedzo wemamiriro akaita zvinhu munyika ekuti vanhu havachakoshesa kuzvichengetedza kubva kuchirwere ichi kubva pakanyevenutswa mutemo wairambidza vanhu kufambafamba uye pakabviswa mapurisa nemauto vaimanikidza mutemo wekuti vanhu vapfeke mamasiki nekutevedzera zvimwe zvose zvinokurudzirwa nebazi rezvehutano.

Vanoti chitsvambe chave kune vanhu pachavo kuti vaone kuti vachengetedza hutano hwavo sezvo vari kuona kuti vanhu vakawanda havachina shungu nekutyira kuti chirwere chingangovabatawo, vachiti veruzhinji vanofanirwa kuziva kuti chirwere chichiriko.

VaRusike vanoti chimwe chinogona kunge chiri kukanganisa mabasa ekurwisana nechirwere ichi kushaikwa kwemvura yekugeza maoko munzvimbo nemaguta zvakawanda, uye vari kukurudzira makanzuru pamwe nehurumende kuti vaone kuti vawanisa vanhu mvura yekushandisa kuzvishambidza.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG