Accessibility links

Breaking News

Kupinda kweDenda reCovid-19 muZvikoro Kwoshusha Nyanzvi dzeHutano


Hurumende yoronga kuvheneka vana vechikoro zuva roga-roga pavanosvika pazvikoro zvavo.
Hurumende yoronga kuvheneka vana vechikoro zuva roga-roga pavanosvika pazvikoro zvavo.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu zana negumi nevashanu, kana kuti 115, vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 munyika yose mushure mekuvhenekwa kwevanhu chiuru nemazana manomwe nemakumi manomwe, kana kuti 1770.

Pavanhu ava, makumi matanhatu nevatatu, kana kuti 63 vanhu vari kuBulawayo, uye vanhu vose vakabatwa vaine chirwere vanhu vagara vari munyika.

Huwandu hwevanhu vakafa hwakaramba huri pamazana maviri nemakumi manomwe nevana, kana kuti 274, sezvo pasina munhu akashaya nemusi weChina.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose hwasvika pazviuru zvipfumbamwe nemazana matanhatu ane makumi maviri nevatatu, kana kuti 9 623.

Vanhu vakanga vapona kubva kuCovid-19 vakanga vasvika pazviuru zvisere nemazana matatu ane makumi mapfumbamwe nevanomwe, kana kuti 8 397.

Johns Hopkins University Hospital yemuAmerica, iyo iri kutevera chirwere ichi, inoti vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matanhatu neimwe nezviuru zana, kana kuti 61,100 000 vabatwa nechirwere ichi uye vanhu vafa vadarika miriyoni imwechete nezviuru mazana mana, kana kuti vadarika 1, 434 000.

MuAmerica vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nemaviri nezviuru mazana masere kana kuti 12,886 000 vabatwa nechirwere ichi uye vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nematatu, kana kuti 263 000 vafa nacho.

Chirwere ichi chave kutyisawo nekuti chapinda mune zvimwe zvikoro zvemunyika, zvikuru zvikoro zviri kumatunhu ekuMatabeleland, izvo zvakonzera kuvharwa kwezvikoro izvi.

Chikoro cheMatopo High School chiri kuMatabeleland South chinonzi chakavharwa svondo rino mushure mekunge vamwe vana vawanikwa vaine chirwere ichi.

Izvi zvinouya mazuva mashoma vana vanodarika zana nemakumi masere vabatwa neCovid-19 paJohn Tallach Secondary School kuNtabazinduna, mudunhu reMatabeleland North.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzinonzi dziri kukurudzirawo kuti zvikoro zvimbovharwa kuitira kuderedza dambudziko rekutapuriranwa kwevana.

Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira, vanoti sehurumende vanoshushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19, uye kufa nacho.

Doctor Manangazira vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramba vachitora matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi kuburikidza nekugeza maoko, kuvhara miromo nemhino, kusiya mikaha pamwe nekusafambafamba.

Vanotiwo panofanirwawo kutorwa matanho ekuvheneka vana vechikoro muzvikoro zvose pamwe nekufirita nemishonga mipanda yezvikoro kuitira kuti chirwere ichi chisaramba chichipararira.

Hurukuro naDr. Portia Manangazira
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG