Accessibility links

Breaking News

VaTrump naVaBiden Votatsurana Musarudzo neChipiri Asi Zimbabwe Inoti Hainei neMuchato weDhongi neBere


VaJoe Biden naVaDonald Trump
VaJoe Biden naVaDonald Trump

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vebato remaRepublicans nemutungamiri webato remaDemocrats VaJoe Biden neMuvhuro vakapeta hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro musarudzo dziri kuitwa neChipiri

Vaviri ava vari mumatunhu akakosha zvikuru akaita sePennsylvania umo VaTrump vakakunda musarudzo dzadarika muna 2016 asi zvinhu zvakati omeyi rwendo rwuno sezvo VaBiden vakaberekerwa mudunhu iri uye vainewo rutsiro rwakasimba.

VaTrump vari kutsvaga rutsigiro nhasi muPittsburg vozoenda kuNorth Carolina, Michigan neWisconsin ukuwo VaBiden vari mudunhu reOhio. Zvichabuda musarudzo zviri kutarisirwa kutora vhiki sezvo matunhu aine mitemo yakasiyana siyana pakuverengwa kwemavhoti.

Tichiri panyaya iyi, vanhu muZimbabwe vane maonero akasiyana panyaya yesarudzo dzemuAmerica idzi.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti sarudzo dzekuAmerica hadzinei neZimbabwe uye nyika haipindire musarudzo iyi sezvinoita America.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance VaClifford Hlatswayo vanoti Zimbabwe haifanirwe kuoma musoro asi kudzidza kune vamwe kuti munyika muve nesarudzo dzisina mutauro sezvinogara zvichiitika.

Mukuru weZimrights VaDzikamai Bere vanoti zvikomo zvinopanana mhute nyika dzinodzidza zvakawanda kune dzimwe nyika sezvo pasina nyika inogona kuti isu tisu tinoita sarudzo dzisina zvipomerwa.

Mashoko aya atsinhirwa nemurongi wemabasa musangano rinoona nezvesarudzo munyika reElection Resource Centre VaSolomon Bobosibunu.

Dzimwe nyanzvi dzmunyaya dzesarudzo dzinoti Zimbabwe inogona kudzidza nyaya yekugadzirisa gwaro revavhoti iro rinogara richinetsa nguva dzose panoitwa sarudzo.

Sarudzo dzemuAmerica dziri kutarisirwa zvakanyanya nenyika dzose dzepasi rino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG