Accessibility links

Breaking News

Amai Mnangagwa Vanoti Vozorwa Mafuta eNguruve Yavasina Kudya paNyaya yaMuzvare Rushwaya


VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxillia Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxillia Mnangagwa

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxilia Mnangagwa vatumira mashoko kuvatori venhau vachiti mapurisa anofanira kubuda pachena panyaya yavari kupomerwa yekuti vanodyidzana nemutungamiri weZimbabwe Miners Federation Muzvare Henrietta Rushwaya avo vakasungwa panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport vachida kubuda munyika negoridhe rinorema makirogiramu matanhatu.

Mumwe akasungwa naMuzvare Rushwaya ari nhengo yeZimbabwe Miners Forum VaGift Karanda vakati vaidyidzana naAmai Mnangagwa nemumwe mwanakomana wavo Collins.

Asi Amai Mnangagwa vari kuramba mashoko aya vachiti kana mapurisa aine humbowo anofanira kubuda pachena kana kuti oudza nyika kuti havana mhaka pamwe nemwanakomana wavo.

Vanoti ivo havaite zvehuori. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti sezviri padandemutande remapurisa reTwitter, ongororo yavo inoratidza kuti VaKaranda avo vakati goridhe raive raAmai Mnangagwa nemwana wavo vainyepa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi regweta raVaKaranda sezvo ivo vari mutirongo.

Kunyangwe vamwe muZanu-PF vave kuramba kuti Muzvare Rushwaya havana hukama nemutungamiri wenyika, bepanhau reHerald nemamwe mapepanhu ari pasi pehurumende aigara achinyora makore ose adarika kuti vane hukama.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG