Munyori anoona nezvekutongwa kwematunhu mubato reMDC Alliance, VaSesil Zvidzai, vanoti sebato vakashungurudzwa zvikuru nekusungwa nezuro kwameya veChitungwiza, VaLovemore Maiko, vachipomerwa mhosva kushandisa hofisi yavo zvisizvo.
VaZvidzai vanoti sebato vanoona sekuti kusungwa kwaVaMaiko hakuneyi nenyaya dzavari kupomerwa, asi kuti kwakanangana nehurongwa hweZanu PF kwekushungurudza nhengo dzebato ravo.
VaZvidzai vanoti mhosva yakaparwa naVaMaikondeyekurambidza kuputswa kwedzimba dzevanhu dzinonzi dzakavakwa zviri kunze kwemutemo vachiti ino inguva yekunaya kwemvura.
Kusungwa kwaVaMaiko kunouya mazuva mashoma mushure mekusungwa kwemakanzura ekanzuru yeHarare vachipomerwa mhosva dzehuwori.
VaMaiko vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare chero nguva kubva Chipiri.
Studio 7 yakundikana kunzwa divi remapurisa panyaya iyi sezvo mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi vanga vasingadaire nharembozha yavo.
Facebook Forum