Accessibility links

Breaking News

Nyaya yaJustice Ndewere Yotanga Kunzwikwa neChitatu


VaEmmerson Mnangagwa

Dare repamusoro reHigh Court riri kutarisirwa kunzwa svondo rino nyaya yakakwidzwa nemumwe mutongi wedare iri, Justice Erica Ndewere, yekuti dare revanhu vatatu kana kuti tribunal riri kuda kuti rivatonge harisi pamutemo.

Amai Ndewere vakaendesa kudare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, Judicial Service Commission, uye gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, mushure mekunga vanzi vaferefetwe vachipomerwa mhosva yekukundikana kuita basa.

Vari kutonga nyaya iyi ndiVaDavison Foroma.

Hofisi yemagweta makuru ehurumende neMuvhuro yakakumbira VaForoma kuti vawedzere nguva yekuti nyaya iyi itange kunzwikwa nedare vachiti vaida nguva yekugadzirira.

VaForoma vakapa hofisi yemagweta ehurumende kusvika neChipiri kuti vange vatura mapepa avo kudare uye magweta aJustice Ndewere akatura mapepa kudare neMuvhuro.

Amai Ndewere vanoti mutongi mukuru wematare, VaLuke Malaba, vakatyora kodzero dzavo nekukurumidza kunyora tsamba kuna VaMnangagwa kuti vatange kuferefetwa.

Dare iri, kana kuti tribunal ikangoumbwa, zvinoreva kuti Justice Ndewere vanenge vombomira basa kusvika nyaya yavo yatongwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG