Accessibility links

Breaking News

Vadhomeni Vanoti Hurumende Haisi Kukoshesa Mabasa Avo


Munyori Mukuru weZAPTA, VaZivaishe Zhou
Munyori Mukuru weZAPTA, VaZivaishe Zhou

Sangano rinomirira vanoshanda mubazi rezvekurima, re Zimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association (ZAPTA), rinoti vashandi vebazi iri, zvikuru sei vadhomeni, vanofanirwa kupiwa mari yerubatsiro, kana kuti ‘risk allowance’, panguva ino yekurwisana necoronavirus sezvo basa ravo richivamanikidza kusangana nekushanda nevanhu vakasiyana siyana.

Munyori mukuru weZAPTA, VaZivaishe Zhou, vaudza Studio 7 kuti sezvo hurumende yakapa varairidzi mari yekubatsirikana panguva iyi, haifanirwi kusarudza vashandi vainobatsira, naizvozvo hurumende inofanirwa kuziva kuti vadhomeni vanodavo rubatsiro rwakadai.

VaZhou vati sangano ravo harisikufara nemabatirwo arikuitwa nyaya yezvimidhudhudhu zvinofanirwa kushandiswa nevadhomeni, vachiti vadhomeni vazhinji vari kushaya mari yokuenda kumahofisi eCMED kunotora zvimidhudhudhu izvi.

VaZhou vati pane zvizhinji zvinofanirwa kugadziriswa mubazi iri, vachiti vanokurudzira hurumende kuti itarisise nekugadzirisa zvirikuitika mubazi iri kuti vashandi vaite basa ravo zvakanaka.

Tatadza kubata mukuru anoona nezvevashandi mubazi iri, VaGibson Chijarira, sezvo mharembozha yavo yange isingadavirwi.

Tichienda pamhepo, gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG