Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbawe Zvofarira Kuvhurwa kweBhodha neBotswana Svondo Rinouya


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weBotswana VaMokgeetsi Masisi
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weBotswana VaMokgeetsi Masisi

Varidzi vemabhazi anofamba pakati peHarare neGaborone nemamwe maguta ari munyika dzakatenderedza Zimbabwe vanoti vafadzwa zvikuru nedanho ratorwa neBotswana rekuti vatange kushanda musi wa1 Zvita.

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwevanhu nezvinhu uye kufambiswa kwemashoko muBotswana, VaThulaganyo Segokgo vaivisa nezvedanho iri vachitaura nevatori venhau nemusi weMuvhuro.

VaSegokgo vazivisa kuti rimwe remabhodha mashanu ari kuvhurwa zvizere kubva musi wa1 Zvita ndere Plumtre-Ramokgwebana iro rinoshandiswa zvikuru nezvizvarwa zveZimbabwe.

Botswana yakavhara mabhodha ayo nenyika dzakaitenderedza muna Kubvumbi gore rino senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hweCovid-19.

Kuvharwa kwemabhodha uku kwakakanda ruzhinji rwezvizvarwa zveZimbabwe mukanwa mamupere sezvo zvichirarama nekutenga zvinhu kunyika dzakatenderedza Zimbabwe zvichinotengesa kumusha.

Mukuru kukambani yeMangongongo Logistics ine mabhazi anobva mudhorobha reFrancistown muBotswana achienda kuHarare VaMartin Vumbani vati bhizimisi range radzokera kumashure zvakanyanya nekuvharwa kwemabhodha.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinotyaira kukambani imwe cheteyo VaThompson Moyo vatsinhira mashoko aya.

Kunyange hazvo vachigamuchira kuvhurwa kwemabhodha nemaoko maviri, VaMoyo vaenderera mberi vachiti vachatenda maruva vadya chakata nokuti zvinoda kutevedza kuti kusaparadzirwa hutachiwana hhweCovid-19 hazvisi nyore kuzadzikisa.

Vachitsigira mashoko aVaMoyo, VaThomas Muzavazi vaudza Studio 7 kuti dai nyika dziri mudunhu reSADC dzataurirana kuti vanhu vasabhadhariswe mari zhinji pakuvhenekwa hutachiwana hweCoronavirus.

Vafambi vanotarisirwa kuva nechitambi chinoratidza kuti havana chirwere cheCOVID-19 uye kutewedzera zvinodikanwa kuti hutachiwana husapararire kusanganisira kupfeka maface mask, kugeza maoko nguva dzose uye kusaungana kwenguva refu.

Vakuru mubazi rezvekupinda nekubuda kwevanhu muZimbabwe vakatozivisa dare reparamende kuti havana zvimwe zvikwanisiro zvekuona kuti vanhu havapinde here pamabhodha nemapepa ekunyeba vachiti vanoda mari yekutenga michina yechizvinozvino.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG