Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Inouraya Vamwe Vashanu Panguva Iyo Huwandu hweVanhu Vari Kubatwa neChirwere Ichi Huri Kukwira


Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere zvinotapuriranwa, Dr Portia Manangazira.
Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere zvinotapuriranwa, Dr Portia Manangazira.

Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika.

Pavanhu ava, vana vakashaya kuBulawayo mumwe chete kuMasvingo. Vanhu vafa nechirwere ichi munyika yose vave mazana maviri nemakumi manomwe nevatatu, kana kuti 273, vamwe vanhu makumi masere nevasere, kana kuti 88 vakabatwa nechirwere ichi.

Pavanhu vakabatwa nechirwere ichi, vakawanda vari kuBulawayo vanove makumi mana, uye vamwe vanhu makumi maviri nevana vakabatwa nechirwere ichi vari kuMashonaland West.

Vanhu vose vakabatwa nechirwere ichi havana nhoroondo yekushanya kunze kwenyika.

Vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga vave zviuru zvipfumbamwe nemazana matatu ane vasere, kana kuti 9,308.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave zviuru zvisere nemazana maviri nemakumi maserere nevasere, kana kuti 8, 288, mushure mekunge vamwe vanhu makumi matatu nevatatu vapora neMuvhuro wakare.

Vanhu vachiri kurwara mazana manomwe nemakumi mana nevanomwe, kana kuti 747.

Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Dr. Portia Manangazira, vanoti dambudziko rekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 kumatunhu ari kuchamhembe kwenyika rinogona kunge riri kukonzerwa nekubatana kweZimbabwe neSouth Africa, iyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nedenda iri muAfrica yose.

Matunhu eBulawayo, Matabeleland North, Matabeleland South neMasvingo ari kuona vanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi pamwe nekushaya nacho, zvikuru kubva pakati paGumiguru kusvika iye nhasi.

Dr. Manangazira vanoti miganhu yenyika mikuru yeBeitbridge nePlumtree iri mumatunhu ari kuchamhembe, izvo zvinoita kuti vanhu vakawandisa vapfuure nepo chero nguva vachipinda mune dzimwe nyika dzemuAfrica yose.

Vanotiwo zvakare vamwe vanhu vakawanda vanopinda nekubuda muSouth Africa zviri kunze kwemutemo vanopshandisa muganhu uri kumatunhu iwaya, uyewo vamwe vanhu vari kushaya nechirwere ichi muSouth Africa vari kupinzwa munyika kuzochengetedzwa izvo zvinogona zvakare kuisa vanhu vakawanda munjodzi yechirwere ichi.

“Ichokwadi kuti matunhu ari kuchamhembe anonyanya kubatwa nechirwere cheCovid-19. Izvozvo zvinokonzerwa nekuti bhodha rakakurisisa uye rinofamba vanhu vakawandisa muAfrica riri pakati pedu neSouth Africa, reBeitbridge. Nekudaro nzvimbo iyoyo inodhererwa zvikuru nehutachiwana ihwohwo uhwu,” vanodaro Dr. Manangazira.

Vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramba vachiteedzera mitemo yatarwa yekudzivirira kupararira kwechirwere kana hutachiwana, anosanganisira kugeza maoko, kusiya mikaha pakati pavo, kupfeka mamasiki uyewo kusangofambafamba zvisina maturo.

Panyaya yekuti miganho yenyika iri kutarisirwa kuvhurwa munguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere huri kukwira, Dr. Manangazira vanoti hazvigoneki kuti nyika irambe yakavhara miganhu yayo iyo ichitarisira kuti hupfumi hwenyika huenderere mberi.

Asi vanodzokorora zvakare nyaya yekuti kunyange mihanu yavhurwa, vanhu havafanirqwe kukanganwa kuzvichengetedza kubva kuhutachiwana.

Hurukuro naDr. Portia Manangazira
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centres for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri kana kuti 2 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zviuru makumi mana nezvipfumbamwe zvine mazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 49,975, vapora vachidarikawo miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe, kana kuti 1,7 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi mashanu nemapfumbamwe, kana kuti 59 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica chete vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi mashanu nemanomwe kana kuti 257, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nemaviri, kana kuti 12 miillion.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vave kuda kusvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana, kana kuti 1, 4 million.

Asi vanhu vapora vave kudarikawo mamiriyoni makumi matatu nemasere nezviuru mazana mapfumbamwe, kana kuti 37,9 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG