Accessibility links

Breaking News

Southern African Community USA Yobatana neManna Food Center muKuwanisa Chikafu Kune Vakakanganiswa neCovid-19


Chimwe cheChikafu chiri kupiwa neManna Food Center yakabatana neSouthern African Community, SACU kuvagari vemu Montgomery County, muMaryland.
Chimwe cheChikafu chiri kupiwa neManna Food Center yakabatana neSouthern African Community, SACU kuvagari vemu Montgomery County, muMaryland.

Sangano rinomirira zvizvarwa zvekuchamhembe kweAfirca zviri muAmerica, reSouthern African Community USA, kana kuti SACU, rakabatana nesangano reManna Food Center riri muMontgomery County mudunhu reMaryland mukupa rubatsiro rwechikafu kune zvizvarwa zvemuSADC zvinogara muMontgomery County zvakakanganiswa nedenda reCovid-19.

Nhengo yeSACU, Muzvare Omega Tawonezvi, vanoti sesangano vakaona zvakakosha kuti vabatane neManna Food Center kuitira kubatsira nezvekudya zvizvarwa zvekuchamhembe kweAfrica kusanganisira vana vangadai vari kuAmerica kuchikoro asi vakazokanganiswa neCovid-19.

Muzvare Tawonezvi vanoti vari kukurudzira zvizvarwa zvekuchamhembe kweAfrica zvingadai zvichida rubatsiro rwechikafu pane ino nguva kuti zvisanyare asi kuti zvibude pachena zvononyoresa kuti zviwane rubatsiro urwu, kwete kutambura chinyararire.

Vanoti vanhu vari kubuda vachizivisa kuti vanoda rubatsiro kana zvichienzaniswa nekare.

"Chirwere ichi cheCorona chavharisa zvinhu saka vanhu havasi kunyanya kutya kana kunyara sezvavaimboita pane dzimwe nguva nekuti vanoziva kuti zviri kuitika mazuvano zviri beyond their control," vanodaro Muzvare Tawonezvi.

Vanoti pakunyoresa kuManna Food Center hakubvunzwi munhu paamire panyaya dzemapepa ehugaro hwake kunze kwekungoti aburitse chitupa chinoratidza kuti anogara muMontgomery County, uye pane nzira nhatu dzinosanganisira kunyoresa kuManna kana kushambadza kuri kuitwa neSACU dzekuti vanhu vakwanise kunyoresa.

"Ende uye tine ma outreach workers vari kuita basa rekufamba muma community akasiyanasiyana kutsvaga kuti vanonidha rubatsiro ndivanaani."

Sangano reSouthern African Community USA rakaumbwa pamwe nekanyoreswa zviri pamutemo mudunhu reMaryland muna 2013 nechinangwa chekusimudzira tsika nemagariro ezvizvarwa zvekuchamhembe kweAfrica zviri muAmerica pamwe nekuzvibatanidza kuburikidza nemitambo yakasiyanasiyana.

Hurukuro naMuzvare Omega Tawonezvi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG