Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda muZimbabwe Voita Zvidzidzo Zvavo muAmerica


USAP
USAP

Huwandu hwevanhu vemuZimbabwe vari kudzidza kuAmerica hwakakwira nezvikamu zviviri nechidumbu kubva muna 2019-2020 uye Zimbabwe ndiyo imwe nyika ine vadzidzi vakawanda kuAmerica kubva kudunhu reSub-Saharan Africa.

Muzinda weAmerica muZimbabwe waburitsa mashoko nhasi ekuti humbowo kubva kugwaro reOpen Doors Report on International Educational Exchange hunoratidza kuti huwandu hwevanhu vemuZimbabwe vari kudzidza kuAmerica hwakakwira kusvika pachiuru nemazana matatu nemakumi manomwe nevanomwe.

Zimbabwe iri pachinzvimbo chechitanhatu panyika dzese dzemuAfrica dzine vanhu vari kudzidza kuAmerica.

Mumiriri weZimbabwe muAmerica, Ambassador Brian Nichols, vati izvi zvinoratidza hakana hwakasimba pakati pevanhu vemuAmerica neZimbabwe.

Vati vadzidzi vemuZimbabwe vanodzidza pazvikoro zvepamusoro kuAmerica uko vanowana ruzivo nehunyanzvi hwekuti vazosimudzira Zimbabwe.

Vati kudzidza kunze kwenyika kunopa hunyanzvi hunodiwa pasi rese uye vati hurumende yavo icharamba ichitsigira vechidiki muZimbabwe munyaya dzedzidzo, tsika nezvimwe.

VaVivid Gwede avo vapinda mune chimwe chezvirongwa zvinoitwa nehurumende yeAmerica cheWashington Mandela Fellowship, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa neAmerica zvakanaka chose sezvo zvichizosimudzira nyika.

Kuburitswa kwegwaro reOpen Doors kwaitika pakutanga kwe 2020 International Education Week, chinova chirongwa chebazi reAmerica rekudyidzananedzimwe nyika reState Department nebazi rezvedzidzo chekugadzirira vanhu vemuAmerica kutambira vechidiki vanoda kuita zvedzidzo nehutungamiri muAmerica gore rino.

Humbowo kubva kugwaro reOpen Doors hunoratidza kuti mumakore mashanu apfuura, America yaita vadzidzi vanodarika miriyoni kubva kune dzimwe nyika uye pavadzidzi ava, zvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana vanoita zvidzidzo zveMathematics, Engineering neScience.

Open Doors inotiwo muna 2018/19 America pachayo yaive nevadzidzi vanodarika zviuru mazana matatau nemakumi mana vaidzidza kuknze kwenyika iyi.

Mune imwewo nyaya, dare repamusoro nhasi ratadza kunzwa nyaya yemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, uyo akaisa chikumbiro chekuti nyaya yake inzwike achibva kumba.

Mutongi wedare, Justice Tawanda Chitapi, vati vanoda nguva yekuti vambozeya nyaya yaChin’ono uye vati vachatura mutongo wavo nemusi weChitatu.

Chin’ono, uyo akasungwa musi wa3 Mbudzi, akanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ramajisitireti svondo rapfuura.

Zvichakadai dare ramajisitireti nhasi razivisa kuti kutongwa kwevaimbove gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, kuchatanga musi wa11 Ndira gore rinouya.

VaMoyo vari kupomerwa mhosva yekuva nechekuita pakupihwa contract kwekambani yeDrax International nekambani yehurumende yeNatPharm pasina kutevedzwa mutemo wematenda.

VaMoyo vari kutongwa vachibva kumba kwavo mushure mekubhadhariswa mari yechibatiso.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG