Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopesana Maonero paNyaya yeHurongwa hweHupfumi hweMakore Mashanu


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Mutungamiri wenyika, VaEmmmerson Mnangagwa, neMuvhuro vakaparura kuState House muHarare hwaro hutsva hwehupfumi hwemakore mashanu hwekutanga cheNational Development Strategy huchatsiva hweTransitional Stabilization Program uho hwakasvika kwamvura yacheka makumbo.

Hurongwa hutsva uhu hunonzi chikamu chekutanga chezvirongwa zviviri zvichaparurwa kubva muna 2021 kusvika 2025 kochizoti 2026 kusvika 2030 nechinangwa chekuzadzikisa muwono wenyika kana kuti Vision 2030 kuti inge yasimukira munyaya dzezvehupfumi.

Hurongwa hweNDS1 wekutanga uhu huchange hwakanangana nekusimudzira hupfumi pachishandiswa musimboti wezvekurima zvicherwa, kugadzira zvinhu uye kushanyirwa kwenyika.

Bazi rezvemari rinoti chinangwa chechirongwa ichi ndechekuona kuti nyika yakura munyaya dzezvehupfumi nezvikamu zvishanu kubva muzana muna 2025, kudzikisa inflation kusvika pazvikamu zviri pakati pezvitatu nezvinomwe kubva muzana, kutsvaga nzira dzekubhadhara zvikwereti zvekunze zvinodarika mabhiriyoni masere, kusimbaradza nyaya dzezvicherwa, kushanyirwa kwenyika, kurima nezvimwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ,Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti hurongwa uhu hwakanaka chose nekuti rwendo rwuno gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, havana kuita fungira mumoyo rwendo rwembwa sezvo vakanzwa pfungwa dzevanhu vakawanda.

Muzvinafundo Mugano vatiwo zvinangwa zvechirongwa izvi zvakajeka sezvo zvakanangana nekusimbaradza kukwenenzvera zvinhu zvinozotengeswa kunze.

Asi mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ, Doctor Israel Murefu, vanoti hongu zvakanaka kunzwa pfungwa dzevanhu asi hurumende inofanira kudzokera kwavari vasati vakwenemzvera hwacho zvekaitika pahurongwa uhu. Vati havo chakakosha kuona kuti zviri mugwaro iri zvazadzikiswa.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti havawirirane nepfungwa yekutaura nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi nevakuru vakuru chete.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inoshanda nesangano reLabor and Economic Development Research Instiute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotiwo zvakakosha kuziva kuti muromo hauzarirwe nerwizi.

VaKuchera vatiwo nyaya yehurumende yekuti ichawanisa vanhu zviuru nezviuru manyautsa mukanwa chambere kurota ichiyamwa.

Asi vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, VaMnangagwa vakati zvakakosha kuti vanhu vanzwisise kuti hurumende chete haingakwanise kuzadzikisa chirongwa ichi asi panofanira kuita sungawirirano nemunhu wose.

VaNcube vanoti pane zvimwe zvinofanira kungwarirwa zvakaita seCovid-19 uye mamiriro ekunze zvisingakwanise kudzivirira neZimbabwe yoga asi vakati izvi hazvifanire kubva zvaita kuti kugadzirisa hupfumi kusabudirire. Asi vamwe vanoti havo totenda maruva tadya chakata.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG