Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita Mangange neAlgeria, Zambia Ichirohwa neBotswana Mumakwikwi eAFCON


Knowledge Musona
Knowledge Musona

Zimbabwe neMuvhuro yakaita mangange neAlgeria 2 kwa 2 mumakundano eAFCON mumutambo wakatambirwa munhandare yeNational Sports Stadium muHarare. Zimbabwe yakatombotanga yadyiwa 2-0 mushure mezvibodzwa zvainge zvanwiswa naAndy Delort na Riyad Mahrez.

Vakanwisa zvibodzwa zveZimbabwe ndi Knowledge Musona naPrince Dube. Nyika mbiri idzi dziri muGroup H. Algeria iri pamusoro nemapoinzi gumi, Zimbabwe ine mashanu, Zambia ine mana uye Botswana ine mana zvekare. Izvi zvinotevera kurohwa kwakaitwa Zambia 1-0 kuBotswana.

Kuti Zimbabwe ibudirire inofanira kurova Zambia kana Botswana pamitambo miviri yasara. Mitambo yasara iri kutarisirwa kutambwa muna Kurume gore rinouya.

Zimbabwe ichatamba neBotswana musi wa 3 Kurume apo Zambia inenge ichitamba neAlgeria. Zimbabwe ichapedzisira kutamba neZambia muHarare musi wa30 Kurume apo Algeri inenge ichitamba neBotswana.

Algeri yatobudirira kuenda kumakwikwi ari kuitirwa kuCameroon muna 2021.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG