Accessibility links

Breaking News

Chikoro cheJohn Tallach High School Chinovharwa Mushure Mekunge Vadzidzi Vabatwa neCovid-19


Student wait their turn to enter Lycee Marie Jeanne school on first day of school since the COVID-19 pandemic in Port-au-Prince, Haiti, Monday, Aug. 17, 2020. (AP Photo/Dieu Nalio Chery)
Student wait their turn to enter Lycee Marie Jeanne school on first day of school since the COVID-19 pandemic in Port-au-Prince, Haiti, Monday, Aug. 17, 2020. (AP Photo/Dieu Nalio Chery)

Vana vanosvika zana vanonzi vabatwa nechirwere cheCovid-19 paJohn
Tallach High School iyo iri kuNtabazinduna pedyo neguta reBulawayo
mudunhu reMatabeleland North.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kune vebazi rezvedzidzo kanawo rezvehutano.

Asi munyori webazi rezvekufambiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanyora padandemutande ravo reTwitter vachitaura zvimwe chete.

Vanoziva zviri kuitika vaudza Studio7 kuti hapana vana vari
kubvumidzwa kubva pachikoro ichi kana kuuya pachikoro ichi vachibva
kunze.

Vakafanobata chigaro chemukuru wezvehitano mudunhu reMatabeleland North, Dr Munekayi Padingani, vaudza ZimLive kuti vachiri kuongorora vamwe vadzidzi vepachikoro ichi, icho chine vadzidzi mazana matanhatu nemakumi manomwe.

Dr Padingani vatiwo mapurisa akachengetedza chikoro ichi kuitira kuti vanhu vasatapurirane chirwere cheCovid-19.

Chikoro ichi chinonzi chakavharwa svondo rapera mushure mekunge vadzidzi vashanu vabatwa neCovid-19.

Zvinonziwo pane varairidzi vaviri vakabatwa nechirwere ichi.

Vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati harisi zano rakanaka kudzorera vana kuchikoro panguva iyo vati zvairatidza pachena kuti chirwere cheCovid-19 chiri kuramba chichitekeshera.

VaMadzorera vati zvakakosha kuti hurumende itore matanho akasimba ekuti vana vechikoro kunyanya, vasabatwe nechirwere ichi.

Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vati kubatwa kwevana vekuJohn Tallach nechirwere cheCovid-19 uku kunobudisa pachena zvanenge zvichigara zvichitaurwa nevemasangano anomirira varairidzi kuti kuvhura zvikoro panguva ino kunoisa vana vechikoro panjodzi.

Pakavhurwa zvikoro pachikamu chekutanga pakupera kwemwedzi waGunyana mushure mekunge zvavharwa muna Kubvumbi, vadzidzisi nevamwe vabereki vakawanda vaiti vaisafara nedanho iri vachiti hurumende yaive isina kugadzirira zvizere kuti zvikoro zvivhurwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kusvika pari zvino, vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vava zviuru zvisere nemazana mapfumbamwe nemakumi mana neshanu, kana kuti 8,945, zvchitevera kubatwa kwevanhu makumi mana nevasere nechirwere ichi nemusi weChipiri.

Vanhu vafa nechirwere ichi muZimbabwe vava mazana maviri nemakumi matanhatu zvichitevera kufa kwevanhu vaviri nemusi weChipiri.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vava zviuru zvisere nezana nemakumi matanhatu nevana, kana kuti 8,164, zvichitevera kupora kwevanhu makumi mana nevapfumbamwe.

Vanhu vachiri kurapwa vava mazana mashanu nemakumi maviri nemumwe chete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG