Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yochenura Amai Masotsha Pakupambwa kwaVaMuchehiwa


VaTawanda Muchehiwa
VaTawanda Muchehiwa

Bato reMDC Alliance rachenura mutungamiriri wemadzimai muBulawayo, Amai Tendai Masotsha avo vainge vachipomerwa mhosva yerkuti vane chekuita nekupambwa kwaVaTawanda Muchehiwa nevanofungidzirewa kuti vasori muna Chikunguru.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nemusi weMuvhuro, VaJameson Timba avo vanga vari munyori mukomiti yakaumbwa nebato iri kuongorora Amai Masocha vati tsvakiridzo yavakaita yakavachenura.

VaTimba varambawo mashoko ekuti Amai Masocha vakange vambomiswa basa mubato ravo vachiti ongororo yakaitwa vari pabasa. Vatiwo komiti yavo yakaitawo hurukuro nemagweta aVaMuchehiwa apo vaiita tsvakiridzo dzavo.

Asi gweta ravaMuchehiwa, VaNqobani Sithole vaudza Studio 7 parunhare kuti havana zvavakakurukura nekomiti iyi vachiti vakavaudza pachena kuti VaMuchehiwa vanga vasina kuvapa basa rekuti vavamiririre panyaya yaitsvakurudzwa nyaya iyi.

VaSithole vatiwo VaMuchehiwa vakakuvadzwa zvakanyanya uye havasati vapora zvekuti vakwanise kupa pfungwa dzavo patsvakiridzo yakaitwa iyi.

VaMuchehiwa vanonzi pavakapambwa vaive mumota imwechete naAmai Masotsha avo vakazoregedzwa mushure mekumbosungwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Centre, Va Earnest Mudzengi vatiwo zvakakosha kuti kana pane vezvematongerwo enyika vanenge vapomerwa mabasa akaipa vaongororwe zvinenge zvabuda muongororo zvoziviswa.

Kunyangwe paine vhidhiyo yezvekupambwa kwaMuchehiwa, mapurisa haana kana waati asunga kusvika parizvino zvinova zvinhu zviri kushorwa nevanorwira kodzero dzevanhu.

Motokari yakapambwa Muchehiwa ndeyekambani yeImpala Car Rental iyo iri kuti irikushanda nemapurisa kuti pazivikanwe ainge ahaya motokari iyi panguva iyi asi kusvika parizvino hapana chabuda kunyangwe dare rakati kambani iyi iunze mapepa kudare nezvemunhu uyu

Hofisi yeUnited Nations inoonea nezvekodzero dzevanhu yeUnited Nations’ Office of the High Commissioner for Human Rights inoti vanhu makumi mana nevapfumbamwe vakapambwa muZimbabwe muna 2019 asi hapana kana munhu mumwe chete akasungwa.

Mhinduro yehurumende kazhinji ndeyekuti vanhu vanonyepedzera kuti vapambwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG