Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveKupinda neKubuda kweVanhu Rinoti Harina Zvimwe Zvikwanisiro Zvakakosha


Beitbridge boarder post
Beitbridge boarder post

Bazi rehurumende rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika neMuvhuro rakaudza paramende kuti rakagadzirira kuvhura mabhodha zvichitevera kuvharwa kwaakaitwa nekuda kwedenda reCovid-19 asi rikati rinoda michina yechizvino zvino kuti rikwanise kuita basa raro nemazvo.

Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvekudzivirirwa kwemukati nekunze kwenyika maererano negadziriro dzekuvhura mabhodha dzavari kuita, mukuru webazi reImmigration Department, Amai Respect Gono, vati gadziriro dzavo dzirikufamba zvakanaka.

Amai Gono vati vachangobva kuita musangano kuMasvingo nebazi reInternational Organisation for Migration kuzeya gadziriro dzekuvhura mabhodha.

Vatiwo huwandu hwevanhu vaipinda munyika vachishandisa nzira dzisiri pamutemo hwakakwira zvakanyanya panguva yekuvharwa kwemabhodha uye vanofunga kuti huchaderera pachavhurwa mabhodha kutanga kwaZvita.

Amai Gono vati chichemo chavo chikuru pari zvino ndechekuti michina yavari kushandisa pasi peBorder Management System yasakara zvekuti vanotora nguva yakareba kugadzira mavhiza nemamwe magwaro anenge achishandiswa nevanhu vanenge vachipinda nekubuda munyika.

Vatiwo pari zvino michina yavo haikwanisi kuona kana munhu achishandisa magwaro emanyepo izvo zvinoita kuti mbavha nevamwe vanhu vasingakodzeri vapinde munyika.

Amai Gono vati vanoda michina inoita kuti bazi ravo ribatanidzwe nemamwe mapazi ehurumende akaita seZRP, ZIMRA nemakambani endege dzinopinda nekubuda munyika vachiti izvi zvinoita kuti vakwanise kubata vanhu vasingakodzeri kupinda kana kubuda munyika.

Vati vanofara kuti hurumende yave kutsvaga imwe kambani ichavaisira michina mitsva pasi pechirongwa chavo cheIntergrated Online Border Management System mushure mekumisa kambani yavaimboshanda nayo yeAfrosoft.

Vatiwo vari kuchinja vashandi vavo nzvimbo dzekushandira senzira yekudzivirira huwori uhwo vati hunoitika kana munhu akashandira panzvimbo imwe chete kwenguva yakareba.

Asi mumuriri weBuhera South mudare reparamende, VaJoseph Chinotimba, vati vashandi vanenge vachiita huwori havafanira kunge vachichinjwa nzvimbo dzekushandira nekuti vanoramba vachiti huwori.

Asi Amai Gono vati vese vanoita zvehuwori vanorangwa nenzira dzakasiyayana siyana dzakita sekudzingwa basa.

Zimbabwe yakavhara mabhodha ayo ese muna Kubvumbi asi parizvino yakavhura nhandare dzendege dzeHarare, Bulawayo neVictoria Falls.

Mabhodha akaita seBeitbridge, Plumtree, Forbes nemawe ari kuvhurwa kumunhu wese kutanga kwaZvita.

Gweta rebazi iri, VaProsper Kambarami, vaudzawo komiti iyi kuti kuti zvinhu zvifambe pamabhodha panofanira kuve nekudyidzana kwakanaka pakati pebazi rekupinda nekubuda kwevanhu nemamwe mapazi ehurumende uye dzimwe dzemuSADC.

Vatiwo semuenzaniso dzimwe nyika muSADC dzakavhara mabhodha uye dzimwe dzakavhura vachiti matanho aya anofanira kutorwa paita kutaurirana pakati penyika dzine mabhodha akafanana.

Bazi reImmigration Department rine nzvimbo makumi matatu nemaviri dzinopinda nekubuda nevanhu uye rine hurongwa hwekuwedzera nzvimbo idzi.

Beitbridge ndiyo zvimbo inopinda nekubuda nevanhu vakawanda kudarika nzvimbo dzese mudunhu reSADC.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG