Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi yeZvehutano Yokurudzira Kuti Mitemo Inodzivirira Kupararira kweCovid-19 Isimbiswe


Veruzhinji vari kuyeuchidzwa kuti chirwere cheCOVID-19 hacvhisati chapera, nekudaro havafasnirwe kusiya tsika yekupfeka mamasiki.
Veruzhinji vari kuyeuchidzwa kuti chirwere cheCOVID-19 hacvhisati chapera, nekudaro havafasnirwe kusiya tsika yekupfeka mamasiki.

Imwe nyanzvi munyaya dzehutano inoti hurumende inofanirwa kusimbisa mitemo inoona kuti vanhu vari kutevedzera here zvinokurudzirwa neWorld Health Organisation, WHO, pamwe nebazi rezvehutano mukudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi munyika mumwedzi uno waMbudzi, zvikuru kumatunhu anoti Bulawayo, Matabeleland North neMatabeleland South.

Doctor Gilson Mandigo, avo vanotaura vakazvimirira, vanoti nzira chete yekuderedza huwandu hwevanhu vave kubatwa nechirwere ichi kutevera mitemo yakaita sekupfekwa kwemamasiki, kusiya mikaha panoungana vanhu, kusafambafamba kwevanhu kubva kumatunhu akasiyanasiyana, uyewo kuti vanhu vazvipire kuenda kunovhenekwa kuona kana vaine chirwere ichi.

Doctor Mandigo vanoti mumazuva apera veruzhinji vanga vasisiri kuteedzera nzira dzekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuburikidza nekuwanda kwevanhu mumagungano akaita sendufu nenzvimbo dzekutandarira uye vanhu vasingapfeki mamasiki.

Vanoti danho ringaita chete kuti chirwere ichi chirwiswe hunge hurumende yaramba ichiisa zvisungo zvinotarisa kuti vanhu vari kuteedzera here mitemo.

Vanhu vanosvika makumi matanhatu nevasere vakabatwa vaine chirwere ichi neMuvhuro, gumi nevatanhatu vari mudunhu reBulawayo, makumi maviri nevanomwe kuMatabeleland North kuchitiwo gumi nemumwe vari kuMatabeleland South.

Dunhu reHarare rakave nevanhu vana chete vakabatwa nechirwere ichi kuchiti vashanu kuMidlands, vaviri kuMasvingo, vamwe vaviri kuMashonaland West nemumwe chete kuManicaland.

Hurukuro naDoctor Gilson Mandigo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG