Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voshora Hurumende neKuda Kuvanyima Mari DzeMihoro neMabhonasi


VaPaul Mavima, gurukota rezvevashandi
VaPaul Mavima, gurukota rezvevashandi

Masangano evarairidzi anoti reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ ne Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ ari kushora zvikuru gurukota rezvevashandi VaPaul Mavima ekuti varairidzi vasiri kuenda kumabasa vachanyimwa mari yepamwedzi uye mabhonasi.

Varairidzi vari kuramwa mabasa vachiti mari dzavo dzemihoro hadzikwane kuti vashande mazuva ose.

VaMavima vanoti vePublic Service Commission vange vachinyora mazita evarairidzi vasiri kuenda kumabasa. Muzvinafundo Mavima vakataura mashoko aya kubepanhau reSunday News. Hatina kukwanisawo kunzwa kuna Muzvinafundo Mavima mbune sezvo vange vasati vapindura mubvunzo watavatumira apo taenda pamhepo.

Asi Zimbabwe iri pakati pekuongororwa neAmerica nenyaya yekutyora kodzero dzevashandi zvichapa kuti ikabatwa nemhosva ibviswe panyika dzinokwanisa kutengesa zvinhu kuAmerica pasina muripo pasi pechibvumirano cheGeneralized System of Preferences kana kuti GSP.

Mutungamiri wePTUZ Doctor Takavafira Zhou vati zviri kuitwa nehurumende zvinotyora bumburo remitemo nezvibvumirano zveUnited Nations.

Hurukuro NaVaTakavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru weARTUZ VaRobson Chere vati vanogona kuendesa hurumende kumatare ikaramba yakatsika madziro panyaya iyi.

VaChere vati havatarisire kuti hurumende iite izvi apo svondo rino vari kutarisira kuita hurukuro nevamwe kubva kuhofisi yemutungamiri wenyika nezvekuramwa mabasa kwavo nenyaya yemihoro yavari kutambiriswa.

Hurukuro naVaRobson Chere
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG