Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa, VaChamisa naMuzvare Khupe Vobatana neVamwe Vatungamiri Kukorokotedza VaJoe Biden


VaJoe Biden naAmai Kamal Harrus kuWilmington, Delaware
VaJoe Biden naAmai Kamal Harrus kuWilmington, Delaware

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vabatana nevamwe vatungamiri venyika dzepasi rino mukukorokotedza VaJoe Biden nekukunda musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica.

Mutungamiri weGermany Chancellor Angela Merkel vakati vari kutarisira kuumba hukama hwakasimba neAmerica.

Mutungamiri wehurumende yeBritain VaBoris Johnson vakakorokotedzawo VaBiden vakati nyika yavo inodyidzana zvikuru neAmerica uye vanotairisira kushanda naVaBiden panyaya dzakawanda kusanganisira mamiriro ekunze vakatiwo vari kufara nekupinda munhorondo kwemutevedzeri waVaTrump Amai Kamala Harris vanova mudzimai wekutanga kuve mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica.

Vamwe vakakorokotedza VaBiden vanosanganisira vatungamiri veCanada, Spain neFrance. VaMnangagwa nevamwe vatungamiri vemapato anopikisa munyika vakakorokotedza vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden.

Vachinyora padandemutande reTwitter VaMnanangwa vakatiwo vari kutarisira kushanda naVaBiden mukusimudzira kudyidzana neAmerica. Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vakanyorawo padandemutande ravo reTwitter vachiti kukunda kwaVaBiden mucherechedzo wakanaka muhutongo hwejekerere pasi rose.

Vanotiwo kusarudzwa kwaVaBiden mucherechedzo wezvido zvevanhu vemuAmerica. Mutungamiri weMDC-T Muzvare Thokozani Khupe vanyorawo padandemutande reTwitter vachikorokotedza VaBiden vakatiwo vari kunyanya kufara nekudomwa kwaAmai Kamala Harris semutevedzeri wemutungamiri wenyika wekutanga wechidzimai muAmerica.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vakorokotedza vaBiden mukukunda kwavakaita asi vakati tarisiro yavo ndeyekuti vabvise zvirango zvehupfumi zvavanoti zvakatemerwa nyika yeZimbabwe.

VaMugwadi vatiwo kunyangwe hazvo Zimbabwe isingapindiri munezvematongerwo enyika zvekune dzimwe nyika, vanokatyamadzwa nemashoko emutungamiri wenyika iyi VaDonald Trump ekuti sarudzo dzakabirirwa kunyangwe vakawanda vari kuti hapana humbowo hwakakwana.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo vatiwo kukunda kwaVaBiden mucherechedzo wekuti vanhu vakabatana vanowana hutongo hwavanoda.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa pane imwe University muSouth Africa, Doctor Tyanai Masiya, vatiwo kunyangwe hazvo vanhu varikufarira kukunda kwaVaBiden avo vanova kubato remaDemocrats rinozivikanwa nechido chekuumba hukama nedzimwe nyika , vati havaoni pachizoita shanduko pakudyidzana kwenyika iyi Zimbabwe.

Murwiri wekodzero dzevanhu, uye vari mukuru wesangano re Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vatiwo kukunda kwaVaBiden semutungamiriri weAmerica kunosimbaradza kusimudzirwa kwekodzero dzevanhu.

VaMavhinga vati kubvira vari muSenate VaBiden ndevamwe vairatidza chido chekuda kuwona kuti hurumende yeZimbabwe inoremekedza kodzero dzezvizvarwa zvayo.

Veruzhinji vataura neStudio 7 vanotiwo havaoni kudyidzana kweZimbabwe neAmerica kuchichinja nekuda kwekukunda kwemaDemocrats vachiti vakuru vakuru vakatemerwa zvirango vakasaita zvinotarisirwa kuti zvirango izvi zvibviswa zvichangoramba zviripo.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG