Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotaura Pamusoro peSarudzo dzemuAmerica


Americans take to the streets over U.S. post-election uncertainty

Vari kutevera zviri kuitika muAmerica vanoti Zimbabwe ine zvekudzidza zvakawanda kubva mumafambisirwo enyaya dzesarudzo dzemuAmerica.

Sachigaro vesangano reZimbabwe Election Support Network,
VaAndrew Makoni, vanoti kunyange hazvo pane musiyano wekuti muAmerica hamuna boka rimwe chete rinoona nezvesarudza semuZimbabwe umo mune Zimbabwe Electoral Commission, sarudzo dzemuAmerica dzinoratidza kuti dzinoitwa nenzira dziri pachena.

VaMakoni vanoti mapepanhau nenhepfenyuro dzemuAmerica dzinogona kutaura zviri kuitika musarudzo kusanganisira zviri kubuda musarudzo, kana kudaidzira kuti ndiyano akunda, zvinhu zvinoratidza pachena
kuremekedzwa kwevatapi venhau.

VaMakoni vanoti chimwe chidzidzo chakakosha ndechekuti vari kukwikwidza vanenge vasingagutsikane nezvabuda musarudzo vanogona kuenda kumatare nekukasika, vachitiwo veruzhinji vanobvumidzwawo kuratidzira pane zvavasiri kufara nazvo asi izvi zvose zvichiitwa murunyararo.

Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe chiri kuAmerica mudunhu reNorth Carolina, Dr Simbiso Ranga, vanoti kubudiswa kuri kuitwa zviri kubuda musarudzo dzemuAmerica, kunoratidza kuti zvinhu zvose zvinoitwa pachena uyewo kunoratidza kuremekedzwa kwevatori venhau.

Dr Ranga vanotiwo kunyange hazvo vanhu vanenge vapinda musarudzo vaine shungu dzekuti munhu wavanenge vavhotera akunde, zvakakoshawo kuti vanhu vanokwanisa kutambira zvinenge zvabuda zvose zvichiitwa murunyararo.

Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa, MISA Zimbabwe,
VaTabani Moyo, vanoti kuvepo kwemapepanhau nenhepfenyuro zvichikwanisa kutaura nezvesarudzo pasina kumbunyikidzwa kunobatsira kuti sarudzo dzacho dziwonekwewo sedzakachena.

Vakawanda, zvikuru vemapato anopikisa muZimbabwe vanogara vakachema nedambudziko rekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo dzemuZimbabwe idzo dzinogara dzakamutsa mutauro mukuru vakawanda vachiti dzinenge dzabiridzirwa.

Kunyange hazvo sarudzo dzemuAmerica dzichiitawo mutauro, nyika iyi ine mitemo inoita kuti mitauro iyi iagadziriswe nematare munguva yakafanira, izvo zvisingaitike nguva zhinji muZimbabwe.

Semuenzaniso, zvakabuda musarudzo yemumiriri weChegutu West pakati paVaDexter Nduna veZanu PF naVaGift Konjana veMDC Alliance, hazvisati zvagadziriswa kwemakore maviri nyaya iyi iri mumatare.

Ukuwo zvakapikiswa nenhengo dzeMDC musarudzo dza2008, hazvina kana kumbonzwikwa mumatare edzimhosva kusvika temu yeparamende yapera.

Maitiro akadai anoita kuti vanhu vakawanda veZimbabwe vayemure mafambisirwo esarudzo dzemuAmerica, pamwe nedzimwe nyika dzinoremekedza mitemo yadzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG